Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Vakorinde 2:5-11

2 Vakorinde 2:5-11 SCLB

Kana pane akarwadzisa vamwe mwoyo handisini waakarwadzisa. Neimwe nzira, tisingadi zvedu kumuomesera, tingangoti akakurwadzisai mose. Kumunhu akadai shamhu yamakamupa imi voruzhinji yakakwana zvokuti dai machimuregerera zvenyu muchimunyaradza nokuti angadaro akasvika pakunyanyoodzwa mwoyo nokusuruvara kukuru. Saka ndinokukumbirai kuti munyatsomuratidza kuti munomuda. Ndokusaka ndakanyora kuti ndione ndingozivawo kuti imi munoteerera here muna zvose. Ani zvake wamunoregerera, ndinomuregererawo. Kuregerera ikoko dai kuri kuti pane chandinofanira kuregerera ndakazviita pamusana penyu pamberi paKristu. kuti tirege kudyiwa munyati naSatani nokuti tinoziva dzaanotamba.