Ndine godo pamusoro penyu negodo raMwari. Ndakakuitai vakavimbika kumurume mumwe chete, kuna Kristu, kuitira kuti ndigozogona kukusvitsai kwaari semhandara yakachena. Asi ndinotya kuti sokunyengerwa kwakaitwa Evha nenyoka nemano ayo, ndangariro dzenyu dzingangotsauswa kubva pakururama nokuchena kwomwoyo, pakuzvipira kuna Kristu. Nokuti kana mumwe akauya kwamuri achiparidza mumwe Jesu kunze kwaJesu watakaparidza, kana kuti mukagamuchira mumwe mweya wakasiyana nouyo wamakagamuchira, kana rimwe vhangeri rakasiyana neramakagamuchira, munogona kuzvigamuchira zviri nyore kwazvo. Asi handifungi kuti ndiri muduku napaduku pose ku“vapostori vanopfuura vamwe vose.” Ndingava zvangu ndisinganatsi pakutaura, asi ndine ruzivo. Takanyatsojekesa izvi kwamuri nenzira dzose.
Verenga chikamu 2 VaKorinde 11
Terera ku 2 VaKorinde 11
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 2 VaKorinde 11:2-6
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo