2 VaKorinde 11:2-6
2 VaKorinde 11:2-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndine godo pamusoro penyu negodo raMwari. Ndakakuitai vakavimbika kumurume mumwe chete, kuna Kristu, kuitira kuti ndigozogona kukusvitsai kwaari semhandara yakachena. Asi ndinotya kuti sokunyengerwa kwakaitwa Evha nenyoka nemano ayo, ndangariro dzenyu dzingangotsauswa kubva pakururama nokuchena kwomwoyo, pakuzvipira kuna Kristu. Nokuti kana mumwe akauya kwamuri achiparidza mumwe Jesu kunze kwaJesu watakaparidza, kana kuti mukagamuchira mumwe mweya wakasiyana nouyo wamakagamuchira, kana rimwe vhangeri rakasiyana neramakagamuchira, munogona kuzvigamuchira zviri nyore kwazvo. Asi handifungi kuti ndiri muduku napaduku pose ku“vapostori vanopfuura vamwe vose.” Ndingava zvangu ndisinganatsi pakutaura, asi ndine ruzivo. Takanyatsojekesa izvi kwamuri nenzira dzose.
2 VaKorinde 11:2-6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti ndine godo pamusoro penyu negodo raMwari; nokuti ndakakuwanisai nomurume mumwe, kuti ndikuisei kuna Kristu semhandara yakachena. Asi ndinotya kuti, senyoka yakanyengera Evha namano ayo, zvimwe saizvozvo ndangariro dzenyu dzingasvibiswa, dzitsauke pakururama nokuchena kwomwoyo kuri kuna Kristu. Nokuti kana mumwe achiuya anoparidza mumwe Jesu, watisina kumboparidza isu, kana zvimwe muchigamuchira mumwe mweya, wamusina kumbogamuchira, kana imwe vhangeri, yamusina kumbotenda, zvino momuitira mwoyo murefu kwazvo. Nokuti ndinoti handizi muduku napaduku-duku kuvapostori vanopfuura vamwe vose. Zvino kunyange ndisinganatsi pakutaura, handina kudaro pakuziva; asi pazvinhu zvose takaratidza izvozvo kwamuri pamberi pavose.

2 VaKorinde 11:2-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndine shanje yaMwari nemi nokuti ndakakuroodzai kuna Kristu, ndichida kukuperekai semhandara tsvene kumurume wayo mumwechete oga. Zvino ndavakutotya kuti sokunyengedza kwakaita nyoka Eva nokusvinuka kwayo pfungwa dzenyu dzingadaro dzatsautswa pautsvene hwenyu nokutendeseka kwenyu kuna Kristu. Ndinodaro nokuti kana mumwe munhu akauya achiparidza mumwe Jesu akasiyana newatakaparidza muchigamuchira mumwe mweya wakasiyana newamakagamuchira kana kuti mukagachira Shoko Rakanaka rakasiyana neremakagamuchira muri kutomugamuchira namaoko maviri. Sokuona kwangu hapana chandinopfuurwa naivo vapositori vapamusoro vacho ivavo. Kunyange zvangu ndisingakwanisi kunyatsotaura asi ruzivo ndinarwo. Izvi akanyatsokujekeserai nenzira dzose muna zvose.
2 VaKorinde 11:2-6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti ndinegoɗo pamsoro penyu negoɗo raMŋari; nokuti ndakakuwanisai nomurume mumŋe, kuti ndikuisei kunaKristu semhandara yakacena. Asi ndinotya kuti, senyoka yakanyeŋgera Eva namano ayo, ɀimŋe saiɀoɀo ndaŋgariro dzenyu dziŋgaȿiɓiswa, dzitsauke pakururama nokucena kwomŋoyo kuri kunaKristu. Nokuti kana mumŋe aciʋuya unoparidza mumŋe Jesu, watisina‐kumboparidza isu, kana ɀimŋe mucigamucira mumŋe mŋeya, wamusina‐kumbogamucira, kana imŋe evaŋgeri, yamusina‐kumbotenda, ɀino momuitira mŋoyo murefu kwaɀo. Nokuti ndinoti handizi muɗuku napaɗuku‐ɗuku kuʋaapostora ʋanopfuʋura ʋamŋe ʋose. Ɀino kunyaŋge ndisiŋganatsi pakutaura, handina‐kuɗaro pakuziʋa; asi paɀinhu ɀose takaratidza iɀoɀo kwamuri pamberi paʋose.
2 VaKorinde 11:2-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)