Nokuti ndinegoɗo pamsoro penyu negoɗo raMŋari; nokuti ndakakuwanisai nomurume mumŋe, kuti ndikuisei kunaKristu semhandara yakacena. Asi ndinotya kuti, senyoka yakanyeŋgera Eva namano ayo, ɀimŋe saiɀoɀo ndaŋgariro dzenyu dziŋgaȿiɓiswa, dzitsauke pakururama nokucena kwomŋoyo kuri kunaKristu. Nokuti kana mumŋe aciʋuya unoparidza mumŋe Jesu, watisina‐kumboparidza isu, kana ɀimŋe mucigamucira mumŋe mŋeya, wamusina‐kumbogamucira, kana imŋe evaŋgeri, yamusina‐kumbotenda, ɀino momuitira mŋoyo murefu kwaɀo. Nokuti ndinoti handizi muɗuku napaɗuku‐ɗuku kuʋaapostora ʋanopfuʋura ʋamŋe ʋose. Ɀino kunyaŋge ndisiŋganatsi pakutaura, handina‐kuɗaro pakuziʋa; asi paɀinhu ɀose takaratidza iɀoɀo kwamuri pamberi paʋose.
Verenga chikamu 2 ƲaKorinte 11
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 2 ƲaKorinte 11:2-6
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo