Ndinovimba kuti muchava nomwoyo murefu zvishoma nokuda kwoupenzi hwangu; asi mava kutozviita kare. Ndine godo pamusoro penyu negodo raMwari. Ndakakuitai vakavimbika kumurume mumwe chete, kuna Kristu, kuitira kuti ndigozogona kukusvitsai kwaari semhandara yakachena. Asi ndinotya kuti sokunyengerwa kwakaitwa Evha nenyoka nemano ayo, ndangariro dzenyu dzingangotsauswa kubva pakururama nokuchena kwomwoyo, pakuzvipira kuna Kristu. Nokuti kana mumwe akauya kwamuri achiparidza mumwe Jesu kunze kwaJesu watakaparidza, kana kuti mukagamuchira mumwe mweya wakasiyana nouyo wamakagamuchira, kana rimwe vhangeri rakasiyana neramakagamuchira, munogona kuzvigamuchira zviri nyore kwazvo. Asi handifungi kuti ndiri muduku napaduku pose ku“vapostori vanopfuura vamwe vose.” Ndingava zvangu ndisinganatsi pakutaura, asi ndine ruzivo. Takanyatsojekesa izvi kwamuri nenzira dzose. Ndakatadza here zvandakazvininipisa kuitira kuti imi mugokudzwa nokuparidzwa kwevhangeri raMwari kwamuri pachena pasina mutengo? Ndakatorera dzimwe kereke pandakagamuchira rubatsiro kubva kwavari kuitira kuti ndigone kukushumirai. Uye pandakanga ndiri pakati penyu ndichishayiwa chimwe chinhu, handina kuva mutoro kuna ani zvake, nokuti hama dzakabva kuMasedhonia dzakandipa zvandaishayiwa. Handina kuda kuva mutoro nenzira ipi zvayo pakati penyu, uye ndicharamba ndichidaro. Zvirokwazvo sezvo chokwadi chaKristu chiri mandiri, hakuna munhu mudunhu reAkaya achandidzivisa pakuzvirumbidza uku. Seiko? Nokuti handikudei here? Mwari anoziva kuti ndinokudai! Uye ndicharamba ndichiita zvandiri kuita kuti ndishayise nzira kuna avo vanotsvaka mukana wokuti vaenzaniswe nesu pazvinhu zvavanozvirumbidza nazvo. Nokuti vanhu vakadai ndivo vapostori venhema, varume vanonyengera, vanozvishandura vachizviita vapostori vaKristu. Uye naizvozvo hazvishamisi, nokuti Satani pachake anozvishandura achizviita mutumwa wechiedza. Naizvozvowo hazvishamisi, kana varanda vake vachizvishandura vachizviita varanda vokururama. Magumo avo achava sezvakafanira maitiro avo.
Verenga chikamu 2 VaKorinde 11
Terera ku 2 VaKorinde 11
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 2 VaKorinde 11:1-15
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo