Dai muchindiitira mwoyo murefu paduku paupenzi hwangu; asi munondiitira henyu mwoyo murefu. Nokuti ndine godo pamusoro penyu negodo raMwari; nokuti ndakakuwanisai nomurume mumwe, kuti ndikuisei kuna Kristu semhandara yakachena. Asi ndinotya kuti, senyoka yakanyengera Evha namano ayo, zvimwe saizvozvo ndangariro dzenyu dzingasvibiswa, dzitsauke pakururama nokuchena kwomwoyo kuri kuna Kristu. Nokuti kana mumwe achiuya anoparidza mumwe Jesu, watisina kumboparidza isu, kana zvimwe muchigamuchira mumwe mweya, wamusina kumbogamuchira, kana imwe vhangeri, yamusina kumbotenda, zvino momuitira mwoyo murefu kwazvo.
Nokuti ndinoti handizi muduku napaduku-duku kuvapostori vanopfuura vamwe vose. Zvino kunyange ndisinganatsi pakutaura, handina kudaro pakuziva; asi pazvinhu zvose takaratidza izvozvo kwamuri pamberi pavose. Ndakatadza here zvandakazvininipisa kuti imi mukudzwe, zvandakakuparidzirai Vhangeri yaMwari ndisingapiwi mubayiro?
Dzimwe kereke ndakadzitorera, ndichireva mubayiro, kuti ndikushumirei imi. Uye, panguva yandakanga ndiri kwamuri, ndichishayiwa, handina kuremedza munhu; nokuti zvandakashaiwa ndakapiwa nehama dzaibva Makedhonia; pazvinhu zvose ndakachenjera kuti ndirege kukuremedzai, uye ndicharamba ndichichenjera. Chokwadi chaKristu chiri mandiri, ndinoti kuzvirumbidza uku hakungandidzivisirwi kunyika yeAkaya. Nemhaka yeiko? Nokuti handikudi here? Mwari anoziva.
Asi chinhu ichi chandinoita, ndinochiita, kuti ndishayise nzira ivo vanotsvaka nzira; kuti vawanikwe vakaita sesu pazvinhu izvozvo zvavanozvirumbidza nazvo. Nokuti vakadaro vapostori venhema, vanobata nokunyengera, vanozvishandura vachizviita vapostori vaKristu. Naizvozvi hazvishamisi; nokuti kunyange naSataniwo anozvishandura, achizviita somutumwa wechiedza. Naizvozvo hachizi chinhu chikuru, kana vashumiri vake vachishandurawo, vachizviita savashumiri vokururama; kuguma kwavo kuchava sezvavakabata basa.