Dai mukambondiregererawo ndichimboti pengerekei zvangu zvishomanana, mundiitirewo mwoyo murefu. Ndine shanje yaMwari nemi nokuti ndakakuroodzai kuna Kristu, ndichida kukuperekai semhandara tsvene kumurume wayo mumwechete oga. Zvino ndavakutotya kuti sokunyengedza kwakaita nyoka Eva nokusvinuka kwayo pfungwa dzenyu dzingadaro dzatsautswa pautsvene hwenyu nokutendeseka kwenyu kuna Kristu. Ndinodaro nokuti kana mumwe munhu akauya achiparidza mumwe Jesu akasiyana newatakaparidza muchigamuchira mumwe mweya wakasiyana newamakagamuchira kana kuti mukagachira Shoko Rakanaka rakasiyana neremakagamuchira muri kutomugamuchira namaoko maviri. Sokuona kwangu hapana chandinopfuurwa naivo vapositori vapamusoro vacho ivavo. Kunyange zvangu ndisingakwanisi kunyatsotaura asi ruzivo ndinarwo. Izvi akanyatsokujekeserai nenzira dzose muna zvose. Ndakatadza here nokuzvidukupisa kwandakaita kuti imi mukudzwe zvandakaparidza Shoko Rakanaka raMwari pasina chamakaripa? Ndaiita sokubira mamwe masangano ndichitambira rutsigiro rwavo kuti ndikushandirei. Pandakanga ndiinemi ndisina chokubata, hapana wandakaremedza. Zvandaida ndakapiwa nehama dzedu dzakabva kuMasedhonia. Saizvozvo ndakaramba uye ndichangoramba ndichiramba kukuremedzai nenzira ipi zvayo. Sokuti nechokwadi chaicho chaKristu chiri mandiri, kuzvizuwidza kwangu uku hakumbofa kwakanyaradzwa mudunhu reAkaya. Nemhosva yeiko? Pamusana pokuti handikudei here? Mwari ndiye anoziva kuti ndinokudai. Ndichangoramba ndichiita zvandiri kuita, kuti nditadzise kubudirira avo vanoda kuzvizuwidza vachiti vanongoshandawo sezvatinongoita. Vanhu vakadaro vapositori venhema, vashandi vanonyengedza, vanobata vanhu kumeso vachizviti vapositori vaKristu. Hazvishamisi izvozvo nokuti kunyange Satani anonyengedza achizviita somutumwa wechiedza. Naizvozvo hazvishamisi kana varanda vake vachinyengedza sokunge varanda voururami. Mugumo wavo uchaenderana nezviito zvavo.
Verenga chikamu 2 Vakorinde 11
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 2 Vakorinde 11:1-15
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo