Asi umwari nokugutsikana nezvatinazvo zvinopfumisa kwazvo. Nokuti hatina kuuya nechinhu panyika, uye hatigoniwo kubuda nechinhu kubva mairi. Asi kana tine zvokudya nezvokupfeka, tichagutsikana nazvo. Vanhu vanotsvaka kupfuma vanowira mukuedzwa nomumusungo uye nomukuchiva kwoupenzi kuzhinji kunokuvadza uye kunoisa vanhu mukuparadzwa nokuraswa. Nokuti kuda mari ndiwo mudzi wezvakaipa zvose. Vamwe vanhu vanoda mari zvikuru, vakatsauka kubva pakutenda uye vakazvibaya neshungu zhinji. Asi iwe, munhu waMwari, tiza kubva pane izvi zvose, uye utevere kururama, umwari, kutenda, rudo, kutsungirira nounyoro. Irwa kurwa kwakanaka kwokutenda. Ubatisise upenyu husingaperi hwawakadanirwa kwahuri pawakapupura kupupura kwakanaka pamberi pezvapupu zvizhinji.
Verenga chikamu 1 Timoti 6
Terera ku 1 Timoti 6
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 Timoti 6:6-12
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo