Hongu kuitira Mwari kunopfumisa ndokunge munhu achigutsikana nezvaanazvo nokuti hatina kuuya nechinhu panyika uyewo hatikwanisi kubva nechinhu panyika asi kana tiine chokudya nechokupfeka; naizvozvo tinofanira kugutsikana. Asi avo vana kamwoyo kokuda kupfuma vanopinda muchiedzo nomuriva uye mukuda zvinhu zvisina maturo zvinotokuvadza zvinoisawo vazhinji mukupera basa nokuparadzwa nokuti kudisisa mari ndiwo mudzi wouipi hwose. Pamusana pokukara mari ikoko vamwe vakazosiya chitendero zvikazovarwadza mumwoyo zvikuru. Asi iwe munhu waMwari siyana nezvinhu izvi. Vavarira ururami, kuzvipira kuna Mwari nechitendero norudo nokuva nemwoyo mumwechete nounyoro. Rwira chitendero zvakanaka uve noupenyu husingaperi hwawakadanirwa pawakapupura zvakanaka pamberi pezvapupu zvizhinji.
Verenga chikamu 1 Timoti 6
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 Timoti 6:6-12
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo