Edzai zvinhu zvose. Batirirai kune zvakanaka. Regai zvakaipa zvose. Mwari pachake, iye Mwari worugare, ngaakuitei vatsvene kwazvo kwazvo. Mweya wenyu wose, nomwoyo uye nomuviri zvichengetwe zvisina mhosva pakuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu. Iye anokudanai akatendeka uye achazviita. Hama, tinyengeterereiwo. Kwazisai hama dzose nokutsvoda kutsvene. Ndinokurayirai pamberi paIshe kuti tsamba iyi iverengerwe hama dzose. Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemi.
Verenga chikamu 1 VaTesaronika 5
Terera ku 1 VaTesaronika 5
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 VaTesaronika 5:21-28
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo