asi takanga tiri vanyoro pakati penyu, samai vanochengeta vana vavo vaduku. Taikudai zvikuru zvokuti takafara kuti tigoverane nemi, kwete vhangeri raMwari bedzi, asi noupenyu hweduwo, nokuti makanga madikanwa nesu kwazvo. Zvirokwazvo munorangarira, hama, kutambudzika kwedu nokuomerwa kwedu; takashanda usiku namasikati kuti tirege kuremedza munhu upi zvake patakanga tichiparidza vhangeri raMwari kwamuri. Imi muri zvapupu, uye naMwariwo, kuti takanga tiri vatsvene sei, vakarurama uye vasina chavangapomerwa pakati penyu imi vanotenda. Nokuti munoziva kuti takabata mumwe nomumwe wenyu sababa vanobata vana vavo, tichikukurudzirai tichikunyaradzai uye tichikukurudzirai kuti murarame zvakafanira kuna Mwari, iye anokudanai kuumambo hwake nokukubwinya kwake.
Verenga chikamu 1 VaTesaronika 2
Terera ku 1 VaTesaronika 2
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 VaTesaronika 2:7-12
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo