Asi takanga tiri vanyoro pakati penyu, somureri kana achivaraidza vana vake; saizvozvo takakushuvai kwazvo, tikati zvakanaka kuti tirege kugovana nemi Vhangeri yaMwari bedzi, asi kunyange nemweya yeduwo, nokuti makanga madikanwa nesu kwazvo. Nokuti, hama dzangu, munorangarira kutambudzika nokurwa kwedu; taibata basa usiku namasikati, kuti tirege kuremedza mumwe wenyu, tikakuparidzirai Vhangeri yaMwari. Imi muri zvapupu, naMwariwo, kuti taifamba noutsvene nokururama, tisina chatingapomerwa kwamuri, imi vanotenda. Sezvamunoziva kuti takaita nemi, mumwe nomumwe wenyu, sababa vanoita navana vavo, tichikurayirai, tichikusimbisai, tichikupupurirai, kuti mufambe zvakafanira Mwari, iye anokudanirai kuushe hwake nokubwinya kwake.
Verenga chikamu 1 VaTesaronika 2
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 VaTesaronika 2:7-12
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo