Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Johani 2:19-20

1 Johani 2:19-20 BDSC

Vakabva kwatiri, asi vakanga vasiri vedu chaivo. Nokuti dai vakanga vari vedu chaivo, vangadai vakagara nesu; asi kuenda kwavo kwakaratidza kuti hapana mumwe wavo akanga ari wedu. Asi imi muno kuzodzwa kunobva kuna Iye Mutsvene, uye imi mose munoziva chokwadi.