Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 VaKorinde 15:1-7

1 VaKorinde 15:1-7 BDSC

Zvino hama, ndinoda kukuyeuchidzai vhangeri randakakuparidzirai, iro ramakagamuchira uye ramakamira mariri. Nevhangeri irori munoponeswa, kana mukabatirira kwazvo pashoko randakakuparidzirai. Zvimwe makatenda pasina. Nokuti zvandakagamuchira sezvinokosha pakutanga ndizvo zvandakakupaiwo: kuti Kristu akafira zvivi zvedu sezvazvakanyorwa muMagwaro, kuti akavigwa, akamutswa pazuva rechitatu sezvazvakanyorwa muMagwaro, uye kuti akazviratidza kuna Petro, tevere kuna vane gumi navaviri. Mushure mezvo akazviratidza kuhama dzaipfuura mazana mashanu panguva imwe chete, vazhinji vavo vachiri vapenyu, kunyange zvazvo vamwe vavete. Ipapo akazozviratidza kuna Jakobho, mushure mezvo kuvapostori