Zvino, hama dzangu, ndinokuzivisai Vhangeri yandakakuparidzirai, iyo yamakagamuchirawo, neyamunomirawo mairi; iyo yamunoponeswawo nayo, kana muchiibatisa nomutoo wandakaiparidza kwamuri, kana musina kutenda pasina. Nokuti pakutanga ndakakupai izvo zvandakagamuchirawo, kuti Kristu akafira zvivi zvedu, sezvakanyorwa muMagwaro; uye kuti akavigwa, akamutswa nezuva retatu, sezvakanyorwa muMagwaro; akazviratidza kuna Kefasi, ipapo kuna gane gumi navaviri; ipapo akazviratidza kuhama dzinopfuura mazana mashanu kamwe vazhinji vavo vapenyu kusvikira zvino, asi vamwe vakavata. Ipapo akazviratidza kuna Jakobho; ipapo kuna vapostori vose
Verenga chikamu 1 VaKorinde 15
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 VaKorinde 15:1-7
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo