Zefaniya Zviri mubhuku rino
Zviri mubhuku rino
Vazhinji vanofunga kuti muporofita Zefaniya ndewenguva yamambo Josiya (640—609 K.A.A.) Muporofita anotaura mazwi akaomarara kwazvo ezvezuva raTenzi. Judha namamwe marudzi achasakadzwa, achawirwa nerima nokuparadzwa nokuda kwehasha dzaMwari pamusana pechitadzo. Anotaura mazwi akaomarara kuvanhu vanosanganisa zvechitendero nezvidzidziso zvechihedheni. Zvakadaro zvazvo, Zefaniya anotarisa mberi achiona nguva yomufaro, Mwari paanenge achenesa marudzi uye Isiraeri yadzorerwa upfumi hwayo. Bhuku iri rine zvikamu zvikuru zviviri: Zuva guru rokutonga kwaTenzi (1:1—3:8) noruponeso pazuva raTenzi (3:9–20)
Aya ndiwo mamiriro akaita bhuku raZefaniya
Zuva rehasha
Kutongwa kwapasi pose (1:1–3)
Kutongwa kwenyika yokwaJudha (1:4—2:3)
Kutongwa kwamarudzi akapoteredza Judha (2:4–15)
Kutongwa kweJerusaremu (3:1–7)
Zuva rokufara
Chitsidzo chokutendeuka (3:8–13)
Chitsidzo chokudzorerwa kwezvinhu pakare (3:14–20)
Zvasarudzwa nguva ino
Zefaniya Zviri mubhuku rino: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.