Zekariya 8
8
TENZI anotsidza kudzosera Jerusaremu makomborero
1Shoko raTENZI wehondo nehondo rakauya kwandiri rikati, 2“Zvanzi naTENZI wehondo nehondo ndine shanje neguta reZioni, shanje chaiyo huru uye kuti ndiri kuriitira shanje ndakaviruka nehasha dzakakura kwazvo. 3Zvanzi naTENZI ndichadzokera kuZioni ndigoita musha mukati meJerusaremu. Jerusaremu richazodaidzwa kunzi guta rakatendeseka uye kunzi Gomo raTENZI wehondo nehondo, gomo rinoera. 4Zvanzi naTENZI wehondo nehondo harahwa nechembere dzichatoti zvadzo mboya mboya kugara munhandare dzeJerusaremu mumwe nomumwe aine mudonzvo muruoko pari pamusana pokunyatsokwegura. 5Migwagwawo yeguta ichange yakazaridzana vakomana navasikana vachitamba havo mumigwagwa mayo.
6“TENZI wehondo nehondo ari kuti kana zvikashamisa zvazvo chitsama cheverudzi urwu chakasara mumazuva ano aya ndipo pazvingandishamisewo ini here, ndizvo zviri kutaura TENZI wehondo nehondo? 7Zvanzi naTENZI wehondo nehondo regai zvenyu muone, ndichanunura vanhu vangu ndivabvise kunyika yokumabvazuva nokunyika yokumadokero 8ndichivadzosera kuzogara mukati meJerusaremu. Ivo vachava vanhu vangu, ini ndiri Mwari wavo pachokwadi uye nomukururama.
9“Zvanzi naTENZI wehondo nehondo simbisai maoko imi muri kunzwa mazwi aya anobva mumiromo wavaporofita mazuva ano aya kubvira musi wakavakwa ugaro hwemba yaTENZI wehondo nehondo kuiitira kuti Temberi ivakwe. 10Ndinodaro nokuti mazuva iwayo asati asvika kwakanga kusina chaitambiriswa munhu kana chaitambirisirwa chipfuwo. Kunyange mukufamba makanga musina kuchengetedzeka kwakanaka kumuvengi nokuti ndakanga ndaita kuti vanhu vavengane. 11Asi parizvino handichaitira chitsama chavanhu ava chakasara sapamazuva akare aya ndizvo zviri kutaura TENZI wehondo nehondo 12nokuti kuchadyarwa rugare, mugirepisi uchabereka muchero wawo ivhu richipa zvinobva mariri, matenga achadonhesawo dova rawo. Ini ndichaita kuti zvose izvozvo zvive zvevechitsama chakasara chavanhu ava. 13Uye sezvo imi manga mava chitukiso mukati memarudzi imi vemba yokwaJudha nemi vemba yokwaIsiraeri, saka ini ndichakununurai muve chikomborero. Regai kutya, simbisai maoko.”
14Chiripo ndechokuti zvanzi naTENZI wehondo nehondo, “Sokuronga kwandakamboita kukupinzai nhamo paya pandakatsamwiswa namadzibaba enyu ndikarega kudzora mwoyo, ndizvo zviri kutaura TENZI wehondo nehondo 15saizvozvo ndarongawo mazuva ano kuti ndichiitira Jerusaremu zvakanaka nemba yokwaJudha. Regai kutya! 16Hezvinoi zvamunofanira kuita:
“Tauriranai chokwadi.
Mumatare enyu, tongai zviri pachokwadi
muite zvinouyisa rugare.
17“Kandai pasi zvokurongerana
mano akaipa mumwoyo,
murege kuda mhiko dzenhema
nokuti zvose izvozvi ini ndinozvivenga.
Ndizvo zviri kutaura TENZI.”
18Shoko raTENZI wehondo nehondo rakauya kwandiri richiti, 19“Zvanzi naTENZI wehondo nehondo kutsanya kwapamwedzi wechina, nokutsanya kwapamwedzi wechishanu, nokutsanya kwewechinomwe uye nokutsanya kwewechigumi kunofanira kuva mwaka yokupembera kufara namazuva makuru okupembera kune vemba yokwaJudha, naizvozvo idai chokwadi norugare.”
20Zvanzi naTENZI wehondo nehondo, “Kuchati kwouya mamwe marudzi vagari vamaguta mazhinji chaivo. 21Vagari verimwe guta vachaenda kune rimwe racho vachiti, ‘Ngatibvei tatoenda kundoteterera kuti tiitirwe tsiye nyoro naTENZI tindotsvaka TENZI wehondo nehondo, ini ndava kuenda!’ 22Marudzi mazhinji nendudzi dzakasimba dzichauya kuzotsvaga TENZI wehondo nehondo muJerusaremu vachizoteterera kuti TENZI avanzwirewo ngoni. 23Zvanzi naTENZI wehondo nehondo namazuva iwayo gumi ravanhu vokumarudzi endimi dzose richabata muJudha hanzu yake richiti ngatiendei nemi nokuti takanzwa kuti Mwari anemi.”
Zvasarudzwa nguva ino
Zekariya 8: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.