Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zekariya 13

13
1Panguva iyoyo imba yaDhavhidhi navagari veJerusaremu vachazarurirwa chisipiti chokuvashambidza zvitadzo zvavo nokun'ora kwavo. 2“Pazuva iroro,” ndizvo zviri kutaura TENZI wehondo nehondo, “Ndichaparadza munyika zvifananidzo zvokunamata zvokuti hazvizombofa zvakarangarirwazve. Uye ndichabvisa munyika vaporofita nemweya yakaipa. 3Pakabudawo munhu ava kuti muporofita, baba naamai vake vokumubereka chaivo vachamuti haufaniri kurarama nokuti uri kutaura nhema muzita raTENZI. Baba naamai vakamubereka chaivo vachamubaya kana akaporofita. 4Pazuva iroro muporofita ari wose achanyara nezvaanooneswa paanenge achiporofita. Haazopfeki zijari rine mvere rokunyengedza naro vanhu, 5asi anenge ava kutoti handisi muporofita ini, ndiri murimiwo zvangu nokuti kubvira pauduku hwangu changa chiri changu ivhu. 6Kana munhu akamubvunza kuti, ‘Ko maronda ari pamusana pako ndeei?’ Iye achati, ‘Ndakaawana mumba meshamwari dzangu.’ ”
Urayai mufudzi hwai dziparare
7TENZI wehondo nehondo anoti,
“Muka iwe bakatwa umukire mufudzi wangu
umukire akabatana neni,
rova mufudzi, hwai dzipararire.
Hwayana dzacho ndichadzisimudzira shamhu.
8Zvanzi naTENZI munyika yose zvayo
vaviri pavatatu vacharakatiswa kufa.
Mumwechete pavatatu ndiye achararama.
9Chikamu chavanhu chechitatu ichocho
ndichachipinza mumoto,
vanhu ivava ndichavachenesa sesirivha.
Ndichavaedza sokuedzwa kunoitwa ndarama
vachadana nezita rangu; ini ndichavapindura.
Ndichiti, ‘Ava vanhu vangu.’
Ivowo vachati, ‘TENZI ndiye Mwari wedu.’ ”

Zvasarudzwa nguva ino

Zekariya 13: SCLB

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda