Zekariya 12
12
Kununurwa kuchazoitwa Jerusaremu
1Shoko raTENZI rinotaura nezveIsiraeri kuti, zvanzi naTENZI, iye akawarira matenga akaita nyika, iye akasika mweya uri mumunhu anoti, 2“Chionai, ini ndava kuzoita kuti Jerusaremu rive mukombe unotenderedza musoro kuvanhu vari munharaunda yaro. Ichavawo nhamo yawira vokwaJudha panokombwa Jerusaremu ipapo. 3Zvichazoitika kuti pazuva iroro ndichaita kuti Jerusaremu ringe dombo rinorema kuvanhu vose. Vose vanorisimudza vachakuvara zvakanyanya. Asi marudzi ose apanyika achauya kuzorikomberana. 4Pazuva iroro, ndizvo zviri kutaura TENZI, ndichapandutsa bhiza riri rose nokutya, vatasvi vawo ndichivapengesa. Ndichatarira vemba yokwaJudha asi mabhiza avamarudzi ndichaapofomadza. 5Mhuri dzokwaJudha ndipo padzichazozviti inga vagari veJerusaremu simba ravo riri muna TENZI, Mwari wavo.
6“Panguva iyoyo ndichaita kuti mhuri dzokwaJudha dzinge choto zvacho chomoto musango, sezhenje romoto mumashanga. Vacharakatisa vanhu uku nokuku nharaunda yose. Izvozvo Jerusaremu, vagari varo rinenge richinavo, imomu muJerusaremu.
7“TENZI achatanga kununura mhuri dzokwaJudha kuitira kuti mbiri yemba yokwaDhavhidhi nembiri yavagari vomuJerusaremu irege kupfuura yedzimwewo mhuri dzose dzokwaJudha. 8Panguva iyoyo TENZI achadzivirira vagari veJerusaremu zvokuti kunyange ndonda chaidzo pakati pavo, nguva iyoyo, dzichaita saDhavhidhi, imba yokwaDhavhidhi ichinge Mwari, sokunge mutumwa waTENZI kuvatungamirira. 9Zvichaitika kuti panguva iyoyo chandinenge ndichitotsvaka kuparadza marudzi ose anenge auya kuzorwisa Jerusaremu.
10“Ndichanyatsopinza muimba yaDhavhidhi nomuvagari veJerusaremu mweya wetsitsi nowokunamata zvokuti vachatarisa kwaari iye wavanenge vabaya. Vachamuchema sokuchema kunoita munhu anochema mwana anga achingova mumwechete oga, vachamuchema zvinosiririsa sokuchema kunoita munhu dangwe rechikomana. 11Pazuva iroro kuchema kwavo kuchanyanya sokuchemwa kwakaitwa Hadhadhirimoni mubani reMeghidho. 12Nyika ichachema, mhuri nemhuri ichichema iri payo, zvichiti:
“Mhuri yokwaDhavhidhi iri payo
madzimai avo ari pachavo voga.
Mhuri yemba yokwaNatani iri payowo,
madzimai avo vari pachawo.
13Mhuri yemba yokwaRevhi iri payo,
madzimai avo ari pachavo.
Mhuriwo yokwaShimei iri payo,
madzimai avo ari pachavo.
14Nedzimwewo mhuri dzose dzinenge dzasara
dzichiti iyiwo payo iyiwo payo
madzimai avowo ari kwavo oga.”
Zvasarudzwa nguva ino
Zekariya 12: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.