Titosi Zviri mutsamba yaTitosi
Zviri mutsamba yaTitosi
Tsamba yaTitosi imwe yedzimwe tsamba dzakanyorerwa kuvakuru vakuru vesangano vaiita basa rokutungamirira vanhu musangano savafudzi. Titosi akanga asiri muJudha. Akapiwa basa rokutungamirira sangano rokuKiriti.
Tsamba iyi ine zvinhu zvitatu zvikuru zvainoudza Titosi kuti aite. Chokutanga chaiva chokuti muKiriti makanga muine kamweya kokusaita hanya nomugariro wakanaka uye kamweya kokunyengedza. Chaigona kuzvirwisa kwaiva kuva navatungamiriri kwavo vakanaka. Saka Titosi akabva ataurirwa zvinhu zvinofanira kuva nomunhu anokodzera kusarudzwa kuva mukuru mukuru wesangano (1:5–9). Chechipiri chaakaudzwa chaiva chezvikwata zvavanhu vakanga vasiyana namagariro avanofanira kuita. Chechitatu, Titosi akarairwa mazano okuti magariro akanaka anoitwa sei, seaya okuti runyararo, kusiyana noruvengo negakava, uye kusaparadzana musangano raMwari.
Aya ndiwo mamiriro akaita Tsamba yaTitosi
Kusuma (1:1–4)
Basa raTitosi rokugadza vakuru vakuru musangano (1:5–16)
Chidzidziso chezvirokwazvo (2:1–15)
Mugariro kwawo wavakristu (3:1–11)
Mashoko okuoneka (3:12–15)
Zvasarudzwa nguva ino
Titosi Zviri mutsamba yaTitosi: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.