2 Timoti 4
4
1Ndinokukomeresa pamberi paMwari uye pamberi paKristu Jesu achazotonga vapenyu navakafa, pamberi paiye achazozviratidza muumambo hwake. 2Paridza shoko. Ramba uchingoriparidza panguva yarinofanira kuparidzwa kana panguva isiri yokuriparidza. Vataurire vazvinzwe; tsiura; uye vakurudzire. Usanete kuva nomwoyo murefu uye usanete kudzidzisa. 3Nokuti nguva iri kuuya vanhu pavanenge vasisadi chidzidziso chechokwadi vave nenzeve dzinovava vachizviunganidzira vadzidzisi vanowirirana nezvavanoda. 4Vachafuratira chokwadi votendeukira kune zvengano. 5Iwe ramba wakasimba, tirira matambudziko. Ita basa romuparidzi weShoko Rakanaka. Ita basa rako.
6Kana ndiri ini ndatosvika pokuti ndichiitwa chibayiro. Nguva yangu yokuenda yasvika. 7Ini ndakarwisa zvakanaka; ndakapedza mujaho, ndakachengeta chitendero. 8Kubva zvino ndakachengeterwa chiremba choururami, chandakagadzirirwa naTenzi mutongi wakarurama chaachandipa paZuva riya riya, kwete ini ndoga asi vose vanofarira kuzviratidza kwake.
9Edza napaunogona kuuya kwandiri nokukurumidza 10nokuti, Dhemasi, pamusana pokuda zvapanyika pano, akanditiza akaenda kuTesaronika. Kiresenzia akaenda kuGaratia. Titosi akaendawo Dharimatia. 11Ruka chete ndiye aneni. Tora Mariko uuye naye nokuti anobatsira kwazvo nokundishandira kwaanoita. 12Tikikusi ndakamutuma kuEfeso. 13Kana wouya ndivigirewo bhachi randakasiya naKariposi kuTiroasi uye mabhuku zvikuru amatehwe ose okunyorera.
14Arekizanda, mupfuri wesimbi akandiitira zvakaipa zvikuru. Tenzi achamutsividza zviito zvake. 15Kana iwewo muchenjerere nokuti anopikisana kwazvo neshoko redu.
Mashoko okuoneka
16Pakutongwa kwangu kwokutanga hapana akamira neni, vose vakanditiza. Dai vangorega kupihwa mhosva nazvo. 17Asi Tenzi ndiye akanditsigira akandipa simba kuti ndiparidze shoko zvizere kuti vechirudzi vose varinzwe. Ndizvozvo ndakanununurwa mukanwa meshumba. 18Tenzi achandinunura kumabasa ose akaipa achindichengetedzera umambo hwake hwokudenga. Iye ngaarumbidzwe narini narini. Ameni.
Kwaziso yokupedzisa
19Ndikwazisirewo Pirisika naAkwira nevemba yaOnesiforosi. 20Erasitosi akasara Kukorinde. Tirofimosi ndakamusiya achirwara kuMiretusi. 21Edza kuuya mwaka wechando usati wauya. Yubhurosi anokukwazisa naPudhenzi naRinusi naKiraudhia nevehama vose.
22Tenzi ngaave newe. Chikomborero chenyasha ngachive newe.
Zvasarudzwa nguva ino
2 Timoti 4: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.