Hakusi kunaka kwakaita rudo rwako, mwana wamai, iwe mwenga wangu. Rudo rwako kana waini inosara pasi. Twokubikisa tunonhuwirira twuya pamafuta ako anonhuwirira hatupasviki. Mumiromo mako munobuda usvisvi hunotapira, mwana wamai pasi porurimi rwako mukaka oga nouchi. Kunhuwirira kwehembe dzako ungati kunhuhwirira kweRebhanoni. Hanzvadzi yangu, iye mwenga wangu uyu ibindu rakakiiwa, kasipiti zvako kakanamirwa mabukira ako munda chaiwo wamapomegiraniti une michero yakanakisisa yeHena ine Nadhi. Ine Nadhi neSafuroni neKaramusi nechinamoni nemiti yose yorusenzi nemura negavakava uyewo tunonhuwirira twukuru-twukuru. Mune Kasipiti kebindu, tsime remvura mhenyu netukova tunoyerera tuchibva kuRebhanoni. Iwe mhepo yokuchamhembe muka, uya iwe mhepo yokuMaodzanyemba; vhuvhuta pabindu rangu. Kunhuwira kwaro kupeperetsere kose kose. Mudiwa wangu ngaauye kubindu rake adye michero yaro yakanakisisa.
Verenga chikamu Rwiyo 4
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Rwiyo 4:10-16
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo