Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 4:10-16

Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 4:10-16 SNA2002

Rudo rwako rwakanaka sei, hanzvadzi yangu, mwenga wangu! Rudo rwako runopfuura waini zvikuru sei! Nokunhuwira kwezvizoro zvako miti yose inonhuwira! Miromo yako, mwenga wangu, inodonha musvi ouchi; Uchi nomukaka zviri pasi porurimi rwako; Kunhuwira kwenguo dzako kwakafanana nokunhuwira kweRebhanoni. Hanzvadzi yangu, mwenga wangu, munda wakakomberedzwa, Chitubu chakapoteredzwa, tsime rakafunhirwa. Matavi ako munda wamatamba, une zvibereko zvakaisvonaka; Maruva ehena nenarido, Narido nesafironi, Karamusi nekinamoni, nemiti yose inonhuwira, Mura negavakava, nezvose zvinoisvonhuwira. Uri tsime reminda, Chitubu chemvura mhenyu, Nenzizi dzinoyerera dzichibva Rebhanoni. Muka, iwe mhepo yokumusoro; uya, iwe mhepo yezasi; Furidzira pamunda wangu, kuti zvinonhuwira zvawo zvibudire kunze. Mudiwa wangu ngaapinde mumunda make, Ngaadye zvibereko zvake zvakaisvonaka.