Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Rute 2:1-7

Rute 2:1-7 SCLB

Naomi uyu aiva nehama yomurume wake Erimereki yomumba, yainzi Bhoazi yaiva shoroma chaiyo yomurume. Zvino Rute muMoabhu uyu akati kuna Naomi, “Regai ndiende zvangu kundofuhwa mbesanwa mumunda womunhu anenge andinzwirawo tsitsi.” Naomi akati, “Enda zvako mwanangu.” Akasimuka akabva aenda kune mumwe munda akandofuhwa achitevera vakohwi. Zvakangoitikawo kuti munda iwoyo wakanga uri waBhoazi aiva wemhuri imwechete naErimereki. Ndiyo nguva yakabva yasvikawo Bhoazi achibva kuBheterehemu. Akakwazisa vakohwi ivava achiti, “Tenzi ngaave nemi!” Ivo vakatiwo, “Tenzi ngaakukomborereiwo!” Bhoazi akabvunza mushandi wake aitungamirira vakohwi kuti, “Ko mukadzi uyu ndowokwaani?” Mushandi wake wokutungamirira vakohwi ndokuti, “Mukadzi wechiMoabhu akauya naNaomi paakadzoka achibva kuMoabhu, akati, ‘Mungandibvumirewo here kufuhwa zvangu ndichitevera panenge pabva vakohwi, napane zvisote.’ Saka auya akashanda kubvira mangwanani-ngwanani kusvikira iye zvino, angozorora kwekanguva kaduku mudumba umo.”

Verenga chikamu Rute 2