Zvino Naomi wakanga ane hama yomurume wake, murume wakanga ane simba nepfuma, weimba yaErimereki, wainzi Bhoazi. Rute muMoabhu akati kuna Naomi, “Nditenderei ndiende kumunda, ndindounganidza hura dzezviyo shure kwaiye unondinzwira nyasha.” Akati kwaari, “Enda hako, mwana wangu.” Iye akaenda, akandounganidza pamunda achitevera vacheki; akava neropa rakanaka kuti wakasvika pamunda waBhoazi weimba yaErimereki. Zvino wonei, Bhoazi wakabva Bheterehemu, akati kuvacheki, “Jehovha ave nemi.” Ivo vakapindura, vakati kwaari, “Jehovha akuropafadzeiwo.” Bhoazi akati kumuranda wake wakanga ari mutariri wavacheki, “Musikana uyu ndowaaniko?” Muranda, wakanga ari mutariri wavacheki, akapindura akati, “Ndiye musikana muMoabhu, wakadzoka naNaomi vachibva kunyika yaMoabhu, iye akati, ‘Nditendereiwo ndiunganidze, ndinonge shure kwavacheki pakati pezvisote,’ naizvozvo akauya, akaswerapo kubva mangwanani kusvikira zvino, asi wakagara mumba nguva duku.”
Verenga chikamu Rute 2
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Rute 2:1-7
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo