Saizvozvo hazvinei nezvinodiwa nomunhu kana zvinoedzwa kuitwa nomunhu asi chinebasa itsitsi dzaMwari. Magwaro Matsvene anoti kuna Faro, “Chandakakuitira mambo ndechokuti ndiratidze simba rangu nemauri, kuti zita rangu riparidzwe pasi pose.” Naizvozvo anoitira tsitsi kune wose waanenge ada achiita kuti waanenge ada zvake amuaomese mwoyo. Saka muchanditi, ko zvino anozopirei munhu mhosva nokuti ndiani angapikisane nezvaanoda. Asi iwe uri aniwo zvako munhuwo zvako kupindura Mwari. Chiumbwa chingati here kumuumbi wacho: “Wakandiumbirei zvakadai.” Muumbi haana mvumo here yokuita zvaanoda nomunyakwe achiita nechidimbu chawo chimwechetecho mudziyo wokushongedza nawo nomumwe wokushandisawo zvawo.
Verenga chikamu Varoma 9
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Varoma 9:16-21
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo