VaRoma 9:16-21
VaRoma 9:16-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Naizvozvo, hazvibvi pashungu kana pamabasa omunhu, asi patsitsi dzaMwari. Nokuti Rugwaro runoti kuna Faro, “Ndakakumutsira chikonzero ichochi, kuti ndiratidze simba rangu mauri uye kuti zita rangu rigoparidzwa panyika yose.” Naizvozvo Mwari anonzwira ngoni waanoda kunzwira ngoni, uye anoomesa mwoyo wouyo waanoda kuomesa. Mumwe wenyu angati kwandiri, “Zvino sei Mwari achiramba achitipa mhosva? Nokuti ndianiko acharamba kuda kwake?” Zvino iwe munhu, ndiwe aniko, kuti upindure Mwari? “Chakaumbwa chingati kune akachiumba, ‘Wakandiitirei zvakadai?’ ” Muumbi wehari haana simba pamusoro pevhu here, kuti nebundu rimwe chetero aite mimwe midziyo inokudzwa nemimwe midziyo isingakudzwi?
VaRoma 9:16-21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Naizvozvo hazvibvi kunoanoda, kana kunoanomhanya, asi kuna Mwari, munzwiri wengoni. Nokuti Rugwaro runoti kuna Farao, “Ndizvo zvandakakumutsira, kuti ndiratidze simba rangu kwauri, uye kuti zita rangu riparidzwe panyika yose.” Naizvozvo anonzwira ngoni waanoda; uye anoomesera mwoyo waanoda. Zvino iwe ungati kwandiri, “Iye achapireiko mhosva? Nokuti ndianiko anoramba kuda kwake?” Ko zvino iwe munhu, ndiwe aniko, unopindura Mwari? Ko chakaumbwa chingati kunoakachiumba, “Wandiitireiko kudai?” Ko muumbi wehari haana simba pamusoro pevhu here, kuti nebundu rimwe aite midziyo mumwe wakakudzwa, nomumwe usina kukudzwa?
VaRoma 9:16-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Saizvozvo hazvinei nezvinodiwa nomunhu kana zvinoedzwa kuitwa nomunhu asi chinebasa itsitsi dzaMwari. Magwaro Matsvene anoti kuna Faro, “Chandakakuitira mambo ndechokuti ndiratidze simba rangu nemauri, kuti zita rangu riparidzwe pasi pose.” Naizvozvo anoitira tsitsi kune wose waanenge ada achiita kuti waanenge ada zvake amuaomese mwoyo. Saka muchanditi, ko zvino anozopirei munhu mhosva nokuti ndiani angapikisane nezvaanoda. Asi iwe uri aniwo zvako munhuwo zvako kupindura Mwari. Chiumbwa chingati here kumuumbi wacho: “Wakandiumbirei zvakadai.” Muumbi haana mvumo here yokuita zvaanoda nomunyakwe achiita nechidimbu chawo chimwechetecho mudziyo wokushongedza nawo nomumwe wokushandisawo zvawo.
VaRoma 9:16-21 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Naiɀoɀo haɀibʋi kunounoɗa, kana kunounomhanya, asi kunaMŋari, munzwiri weŋgoni. Nokuti Rugwaro runoti kunaFarao: Ndiɀo ɀandakakumutsira, kuti ndiratidze simba raŋgu kwauri, ʋuye kuti zita raŋgu riparidzwe panyika yose. Naiɀoɀo unonzwira ŋgoni waanoɗa; ʋuye unowomesera mŋoyo waanoɗa. Ɀino iwe uŋgati kwandiri: Iye ucapireiko mhoȿa? Nokuti ndianiko unoramba kuɗa kwake? Ko ɀino iwe munhu, ndiwe aniko, unopindura Mŋari? Ko cakaʋumbga ciŋgati kunowakaciʋumba: Wandiitireiko kuɗai? Ko muʋumbi wehari haanesimba pamsoro pevu here, kuti neɓundu rimŋe aite mudziyo mumŋe wakakudzwa, nomumŋe usina‐kukudzwa?
VaRoma 9:16-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)