Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Varoma 5:1-20

Varoma 5:1-20 SCLB

Naizvozvo zvatakaruramiswa nechitendero tine rugare naMwari nokuna Tenzi wedu Jesu Kristu akaita kuti nokwaari tiitirwe nyasha sezvatiri. Tinofara nechitarisiro chembiri yaMwari. Kwete izvozvo zvoga asi kuti tinotofara mumatambudziko edu nokuti tinoziva kuti kutambudzika kunopa munhu kutirira kutirira kunopa munhu chimiro, chimiro chinopa munhu chitarisiro. Chitarisiro hachitinyengedzi nokuti rudo rwaMwari rwakadururwa mumwoyo yedu naMweya Mutsvene watakapiwa. Kristu akatifira panguva kwayo tisina simba isu; ipapo tisiri vanamati vaMwari. Munhu haadi kufira kunyange munhu akarurama. Pamwe munhu angafire zvake munhu akarurama. Asi Mwari akaratidza kuti anotida nokuti Kristu akatifira tichiri vatadzi. Zvino zvatakaruramiswa neropa rake tichanunurwa zvikuru sei kuchirango chaMwari. Saizvozvowo kana taive mhandu, takawadzana naMwari pamusana porufu rwaMwanakomana wake, tichaponeswa zvikuru sei noupenyu hwake zvino patakawadzana naye kudai. Handizvo chete asi kuti tinotopembera kufara naMwari nokuna Tenzi wedu Jesu Kristu akatiwanisa zvino kuwadzana kwedu. Saizvozvo sokuuya kwakaita chitadzo pasi pose nokumunhu mumwechete; rufuwo rukauya nokuchitadzo, saizvozvowo rufu rwakapararira kuvanhu vose nokuti vanhu vose vakatadza. Chitadzo chakanga chatova panyika Mutemo usati wapiwa. Hapana chitadzo kana pasina mutemo. Asi rufu rwaitonga kubvira kuna Adhamu kusvika kuna Mosesi, ruchitonga kunyange vane zvitadzo zvisina kuenzana kukura nezvaAdhamu aiva mumvuri wouyo aizouya. Chipo chenyasha hachina pachingamboenzaniswa napo kukura nechitadzo chiya, nokuti kana vanhu vazhinji vakafa pamusana pechitadzo chomunhu mumwechete, ko kutozoti nyasha dzaMwari nechipo chinopiwa pachena, pamusana penyasha dzomunhu mumwechete uya, Jesu Kristu, chinofashurirwa zvakadii kuvanhu vakawanda. Zvinoitwa nechipo chinopiwa pachena hazvina kufanana nechitadzo chomunhu mumwechete uya. Ndinodaro nokuti mushure mechitadzo ichi chimwechete pakabva patemwa kuti pane mhosva asi mushure mezvitadzo zvizhinji pamusana pechipo chimwechete chinopiwa pachena pakatemwa kuti hapana mhosva. Kana pamusana pechitadzo chomunhu mumwechete rufu rwakatonga nomumunhu mumwechete iyeyo, zvino vachatonga noupenyu zvakanyanya sei nomumunhu mumwechete Jesu Kristu avo vanogamuchira nyasha dzakawanda nechipo chinongopiwa pachena choururami. Saizvozvo pamusana pokuti chitadzo chomunhu mumwechete chakaita kuti vanhu vose vanzi vane mhosva nezvowo chiito chakanaka chomunhu mumwechete chinoitawo kuti panzi hapana mhosva uye chichipa upenyu kuvanhu vose; nokuti nokusateerera kwomunhu mumwechete, vanhu vazhinji vakava vatadzi, nokudaro nokuteererawo kwomunhu mumwechete vanhu vazhinji vacharuramiswa. Mutemo wakapindira kuzowanziridza kutadza asi nokuwanda kwakaita zvitadzo nyashawo dzakabva dzawanda zvikuru kwazvo.

Verenga chikamu Varoma 5