Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Varoma 5:1-20

Varoma 5:1-20 SNA2002

Naizvozvo zvatinoruramiswa nokutenda ngative norugare kuna Mwari naIshe wedu, Jesu Kristu; watakawana naye mapindiro nokutenda munyasha idzi, dzatinomira madziri; ngatifare netariro yokuona kubwinya kwaMwari. Zvisati zviri izvo bedzi, asi ngatifarewo mumadambudziko, tichiziva kuti kutambudzika kunouyisa kutsungirira; kutsungirira kunouyisa kuedzwa; kuedzwa kunouyisa tariro; tariro hainyadzisi; nokuti rudo rwaMwari rwakadirwa mumwoyo yedu noMweya Mutsvene watakapiwa. Nokuti tichiri pakushayiwa simba, Kristu panguva yakafanira akafira vasingadi Mwari. Nokuti zvinorema kuti munhu afire akarurama; nokuti zvimwe mumwe angatsunga kufira akanaka. Asi Mwari anoratidza rudo rwake kwatiri pakuti Kristu akatifira, tichiri vatadzi. Zvino, zvatakaruramiswa muropa rake, tichaponeswa zvikuru sei naye pakutsamwa. Nokuti zvatakayananiswa naMwari nokufa kwoMwanakomana wake, tichiri vavengi vake, zvikuru tichaponeswa kana tayananiswa noupenyu hwake; zvisati zviri izvo bedzi, asi tinofara zvikuruwo munaMwari naIshe wedu Jesu Kristu, watakapiwa zvino naye iko kuyananiswa. Saka, zvivi sezvazvakapinda munyika nomunhu mumwe, norufu rukapinda nezvivi; saizvozvo rufu rwakasvika kuvanhu vose, nokuti vose vakatadza; nokuti murayiro usati wavapo, zvivi zvakanga zviri panyika; asi zvivi hazviverengerwi munhu, kana kusina murayiro. Asi rufu rwakabata ushe kubva kuna Adhamu kusvikira kuna Mosesi, kunyange napakatiwo pavasina kutadza nokudarika kwaAdhamu, waiva mufananidzo woakanga achizouya. Asi chipo chokungopiwa hachifanani nokudarika. Nokuti kana vazhinji vakafa nokudarika kwomumwe, zvikuru nyasha dzaMwari nechipo chakauya nenyasha dzomunhu mumwe, Jesu Kristu, zvakawandira vazhinji. Uye chipo hachifanani nezvivi zvomunhu mumwe akatadza; nokuti kutonga kwakauya nomunhu mumwe kuti vapiwe mhosva; asi chipo chokungopiwa chakauya nokudarika kuzhinji, kuti varuramisirwe. Nokuti kana nokudarika kwomumwe rufu rwakabata ushe nomunhu uyu mumwe; zvikuru avo, vakapiwa kuwanda kwenyasha nokwechipo chokururama, vachabata ushe paupenyu nomumwe, iye Jesu Kristu. Naizvozvo, kutonga sezvakwakauya kuvanhu vose nokudarika kumwe, kuti vapiwe mhosva; saizvozvo nokururamisa kumwe chipo chokungopiwa chakauya kuvanhu vose, kururamisirwa kwoupenyu kukavapo. Nokuti vazhinji sezvavakaitwa vatadzi nokusateerera kwomumwe, saizvozvo vazhinji vachaitwa vakarurama nokuteerera kwomumwe. Murayiro wakapindawo kuti kudarika kuwande; zvino zvivi pazvakawanda, nyasha dzakawanda nokupfuurisa

Verenga chikamu Varoma 5