Ko zvino isu vaJudha tiri nani here ipapa? Kwete, napaduku pose. Inga wani tamboti vanhu vose, vaJudha navaGiriki, vari pasi pesimba rechitadzo. Sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi: “Hakuna akarurama kana mumwechete zvake. Hakuna anonzwisisa hakuna anotsvaka Mwari. Vose vakatsauka, vose zvavo pamwechete vakashata. Hapana anoita zvakanaka kana nomumwechete zvake. Gurokuro ravo iguva rakashama, vanoshandisa rurimi rwavo kunyengedza. Mukanwa mavo mune uturu hwenyoka. Miromo yavo izere nokutuka nokuvava. Tsoka dzavo dzinomhanyirira kudeura ropa. Mavanopfuura namo munosara ava matongo nejemedzanwa. Mugariro worugare havauzivi. Mwari havambomuona kuti chii.” Zvino tinoziva kuti chose chinotaurwa nomutemo chinonanga avo vari pasi pomutemo iwoyo kuti pasave naanombopati bufu kuti pasi pabvume muteto pana Mwari nokuti hapana munhu anoruramiswa pamberi pake nezvisungo zvomutemo pamusana pokuti mutemo, chawo kuzivisa vanhu zvechitadzo. Zvino kururama kwaMwari kwakaratidzwa pachena zvisinei nomutemo kunyange zvazvo mutemo navaporofita zvichiupupurira. Kururama ikoko kwaMwari kunoitika nechitendero muna Jesu Kristu kuna vose vanotenda pasina zvorusaruro nokuti munhu wose akatadza akakundika kusvika panodiwa naMwari kuti aponeswe. Vanoruramiswa nenyasha dzake sechipo nokununura kunowanikwa muna Kristu Jesu.
Verenga chikamu Varoma 3
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Varoma 3:9-24
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo