VaRoma 3:9-24
VaRoma 3:9-24 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino todiniko? Tinovapfuura here? Kwete napaduku; nokuti tambopa vose mhosva, vaJudha navaGiriki, tichiti vose vakasungwa nezvivi; sezvazvakanyorwa, zvichinzi, “Hakuna akarurama, kunyange nomumwe; Hakuna anonzwisisa, Hakuna anotsvaka Mwari; Vakatsauka vose, vakava vanhu vasina maturo, Hakuna anoita zvakanaka, kunyange nomumwechete; Huro dzavo bwiro hwakashama; Vakanyengera nendimi dzavo; Uturu hwenyoka huri mumiromo yavo; Muromo wavo uzere nokutuka nokuvava; Tsoka dzavo dzinokurumidza kuteura ropa; Kuparadza nenhamo zviri munzira dzavo; Nenzira yorugare havana kuiziva Kutya Mwari hakupo pamberi pavo.” Zvino tinoziva kuti zvose zvinorehwa nomurayiro, anozvitaura kuna vose vari pasi pomurayiro; kuti miromo yose idzivirwe, nenyika yose ive nemhosva pamberi paMwari. Nokuti hakuna nyama ingaruramiswa pamberi pake namabasa omurayiro; nokuti zvivi zvinoziviswa nomurayiro. Asi zvino kururama kwaMwari kwakaratidzwa kunze kwomurayiro, kuchipupurirwa nomurayiro navaporofita; ndiko kururama kwaMwari kunouya nokutenda kuna Jesu Kristu kuna vose vanotenda; nokuti havasiyani, nokuti vose vakatadza, vakasasvika pakubwinya kwaMwari. Vanongoruramiswa nenyasha dzake nokudzikinura kuri muna Kristu Jesu
VaRoma 3:9-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Ko zvino isu vaJudha tiri nani here ipapa? Kwete, napaduku pose. Inga wani tamboti vanhu vose, vaJudha navaGiriki, vari pasi pesimba rechitadzo. Sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi: “Hakuna akarurama kana mumwechete zvake. Hakuna anonzwisisa hakuna anotsvaka Mwari. Vose vakatsauka, vose zvavo pamwechete vakashata. Hapana anoita zvakanaka kana nomumwechete zvake. Gurokuro ravo iguva rakashama, vanoshandisa rurimi rwavo kunyengedza. Mukanwa mavo mune uturu hwenyoka. Miromo yavo izere nokutuka nokuvava. Tsoka dzavo dzinomhanyirira kudeura ropa. Mavanopfuura namo munosara ava matongo nejemedzanwa. Mugariro worugare havauzivi. Mwari havambomuona kuti chii.” Zvino tinoziva kuti chose chinotaurwa nomutemo chinonanga avo vari pasi pomutemo iwoyo kuti pasave naanombopati bufu kuti pasi pabvume muteto pana Mwari nokuti hapana munhu anoruramiswa pamberi pake nezvisungo zvomutemo pamusana pokuti mutemo, chawo kuzivisa vanhu zvechitadzo. Zvino kururama kwaMwari kwakaratidzwa pachena zvisinei nomutemo kunyange zvazvo mutemo navaporofita zvichiupupurira. Kururama ikoko kwaMwari kunoitika nechitendero muna Jesu Kristu kuna vose vanotenda pasina zvorusaruro nokuti munhu wose akatadza akakundika kusvika panodiwa naMwari kuti aponeswe. Vanoruramiswa nenyasha dzake sechipo nokununura kunowanikwa muna Kristu Jesu.
VaRoma 3:9-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino tichatiiko? Tinovapfuura here? Kwete napaduku pose! Nokuti tambopa vose mhosva, vaJudha neveDzimwe Ndudzi, yokuva pasi pechivi. Sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Hakuna akarurama, kunyange nomumwe; hakuna anonzwisisa, hakuna anotsvaka Mwari. Vose vakatsauka, vose pamwe chete vakava vasina maturo; hakuna kana mumwe anoita zvakanaka, kana mumwe zvake.” “Huro dzavo makuva akashama; ndimi dzavo dzinotaura unyengeri.” “Uturu hwenyoka huri pamiromo yavo.” “Miromo yavo izere nokutuka nokuvava.” “Tsoka dzavo dzinokurumidza kuteura ropa; kuparadza nenhamo zviri panzira dzavo, Uye nzira yorugare havaizivi.” “Kutya Mwari hakupo pamberi pavo.” Zvino tinoziva kuti zvose zvinorehwa nomurayiro, unozvitaura kuna avo vari pasi pomurayiro, kuitira kuti miromo yose ishayiswe chokutaura uye kuti nyika yose ive nemhosva pamberi paMwari. Naizvozvo hapana achanzi akarurama pamberi pake nokuda kwokuchengeta murayiro; asi kuti, kubudikidza nomurayiro tichaziviswa chivi. Asi zvino kururama kwaMwari, kwakaratidzwa kunze kwomurayiro, kuchipupurirwa nomurayiro navaprofita. Kururama uku kunobva kuna Mwari kunouya kubudikidza nokutenda muna Jesu Kristu kuna vose vanotenda. Hapana musiyano, nokuti vose vakatadza uye vakasasvika pakubwinya kwaMwari, uye vanoruramisirwa nenyasha dzake kubudikidza nokudzikinura kuri muna Kristu Jesu.
VaRoma 3:9-24 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino todiniko? Tinovapfuura here? Kwete napaduku; nokuti tambopa vose mhosva, vaJudha navaGiriki, tichiti vose vakasungwa nezvivi; sezvazvakanyorwa, zvichinzi, “Hakuna akarurama, kunyange nomumwe; Hakuna anonzwisisa, Hakuna anotsvaka Mwari; Vakatsauka vose, vakava vanhu vasina maturo, Hakuna anoita zvakanaka, kunyange nomumwechete; Huro dzavo bwiro hwakashama; Vakanyengera nendimi dzavo; Uturu hwenyoka huri mumiromo yavo; Muromo wavo uzere nokutuka nokuvava; Tsoka dzavo dzinokurumidza kuteura ropa; Kuparadza nenhamo zviri munzira dzavo; Nenzira yorugare havana kuiziva Kutya Mwari hakupo pamberi pavo.” Zvino tinoziva kuti zvose zvinorehwa nomurayiro, anozvitaura kuna vose vari pasi pomurayiro; kuti miromo yose idzivirwe, nenyika yose ive nemhosva pamberi paMwari. Nokuti hakuna nyama ingaruramiswa pamberi pake namabasa omurayiro; nokuti zvivi zvinoziviswa nomurayiro. Asi zvino kururama kwaMwari kwakaratidzwa kunze kwomurayiro, kuchipupurirwa nomurayiro navaporofita; ndiko kururama kwaMwari kunouya nokutenda kuna Jesu Kristu kuna vose vanotenda; nokuti havasiyani, nokuti vose vakatadza, vakasasvika pakubwinya kwaMwari. Vanongoruramiswa nenyasha dzake nokudzikinura kuri muna Kristu Jesu
VaRoma 3:9-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ko zvino isu vaJudha tiri nani here ipapa? Kwete, napaduku pose. Inga wani tamboti vanhu vose, vaJudha navaGiriki, vari pasi pesimba rechitadzo. Sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi: “Hakuna akarurama kana mumwechete zvake. Hakuna anonzwisisa hakuna anotsvaka Mwari. Vose vakatsauka, vose zvavo pamwechete vakashata. Hapana anoita zvakanaka kana nomumwechete zvake. Gurokuro ravo iguva rakashama, vanoshandisa rurimi rwavo kunyengedza. Mukanwa mavo mune uturu hwenyoka. Miromo yavo izere nokutuka nokuvava. Tsoka dzavo dzinomhanyirira kudeura ropa. Mavanopfuura namo munosara ava matongo nejemedzanwa. Mugariro worugare havauzivi. Mwari havambomuona kuti chii.” Zvino tinoziva kuti chose chinotaurwa nomutemo chinonanga avo vari pasi pomutemo iwoyo kuti pasave naanombopati bufu kuti pasi pabvume muteto pana Mwari nokuti hapana munhu anoruramiswa pamberi pake nezvisungo zvomutemo pamusana pokuti mutemo, chawo kuzivisa vanhu zvechitadzo. Zvino kururama kwaMwari kwakaratidzwa pachena zvisinei nomutemo kunyange zvazvo mutemo navaporofita zvichiupupurira. Kururama ikoko kwaMwari kunoitika nechitendero muna Jesu Kristu kuna vose vanotenda pasina zvorusaruro nokuti munhu wose akatadza akakundika kusvika panodiwa naMwari kuti aponeswe. Vanoruramiswa nenyasha dzake sechipo nokununura kunowanikwa muna Kristu Jesu.
VaRoma 3:9-24 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino toɗiniko? Tinoʋapfuʋura here? Kwete napaɗuku; nokuti tambopa ʋose mhoȿa, ʋaJuda naʋaGiriki, ticiti ʋose ʋakasuŋgwa neɀiʋi; seɀaɀakanyorwa, ɀicinzi: Hakuna‐wakarurama, kunyaŋge nomumŋe; Hakuna‐unonzwisisa, Hakuna‐unotȿaka Mŋari; Ʋakatsauka ʋose, ʋakaʋa ʋanhu ʋasinamaturo, Hakuna‐unoita ɀakanaka, kunyaŋge nomumŋe cete; Huro dzaʋo bgiro bgakashama; Ʋakanyeŋgera nendimi dzaʋo; Ʋuturu bgenyoka bguri mumiromo yaʋo; Muromo waʋo uzere nokutuka nokuʋaʋa; Tsoka dzaʋo dzinokurumidza kuteʋura ropa; Kuparadza nenhamo ɀiri munzira dzaʋo; Nenzira yorugare haʋana‐kuiziʋa. Kutya Mŋari haku’po pamberi paʋo. Ɀino tinoziʋa kuti ɀose ɀinorebga nomurairo, unoɀitaura kunaʋose ʋari pasi pomurairo; kuti miromo yose idziʋirwe, nenyika yose iʋe nemhoȿa pamberi paMŋari. Nokuti hakunenyama iŋgaruramiswa pamberi pake namaɓasa omurairo; nokuti ɀiʋi ɀinoziʋiswa nomurairo. Asi ɀino kururama kwaMŋari kwakaratidzwa kunze kwomurairo, kucipupurirwa nomurairo naʋaprofita; ndiko kururama kwaMŋari kunoʋuya nokutenda kunaJesu Kristu kunaʋose ʋanotenda; nokuti haʋasiyani, nokuti ʋose ʋakatadza, ʋakasaȿika pakubginya kwaMŋari. Ʋanoŋgoruramiswa nenyasha dzake nokudzikinura kuri munaKristu Jesu