Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

ƲaRoma 3:9-24

ƲaRoma 3:9-24 SUB1949

Ɀino toɗiniko? Tinoʋapfuʋura here? Kwete napaɗuku; nokuti tambopa ʋose mhoȿa, ʋaJuda naʋaGiriki, ticiti ʋose ʋakasuŋgwa neɀiʋi; seɀaɀakanyorwa, ɀicinzi: Hakuna‐wakarurama, kunyaŋge nomumŋe; Hakuna‐unonzwisisa, Hakuna‐unotȿaka Mŋari; Ʋakatsauka ʋose, ʋakaʋa ʋanhu ʋasinamaturo, Hakuna‐unoita ɀakanaka, kunyaŋge nomumŋe cete; Huro dzaʋo bgiro bgakashama; Ʋakanyeŋgera nendimi dzaʋo; Ʋuturu bgenyoka bguri mumiromo yaʋo; Muromo waʋo uzere nokutuka nokuʋaʋa; Tsoka dzaʋo dzinokurumidza kuteʋura ropa; Kuparadza nenhamo ɀiri munzira dzaʋo; Nenzira yorugare haʋana‐kuiziʋa. Kutya Mŋari haku’po pamberi paʋo. Ɀino tinoziʋa kuti ɀose ɀinorebga nomurairo, unoɀitaura kunaʋose ʋari pasi pomurairo; kuti miromo yose idziʋirwe, nenyika yose iʋe nemhoȿa pamberi paMŋari. Nokuti hakunenyama iŋgaruramiswa pamberi pake namaɓasa omurairo; nokuti ɀiʋi ɀinoziʋiswa nomurairo. Asi ɀino kururama kwaMŋari kwakaratidzwa kunze kwomurairo, kucipupurirwa nomurairo naʋaprofita; ndiko kururama kwaMŋari kunoʋuya nokutenda kunaJesu Kristu kunaʋose ʋanotenda; nokuti haʋasiyani, nokuti ʋose ʋakatadza, ʋakasaȿika pakubginya kwaMŋari. Ʋanoŋgoruramiswa nenyasha dzake nokudzikinura kuri munaKristu Jesu

Verenga chikamu ƲaRoma 3