Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Varoma 3:1-20

Varoma 3:1-20 SCLB

Ko muJudha chaanokunda vamwe nacho chii? Ko kudzingiswa kunobatsirei? Zvakatowanda uye nenzira dzakasiyana–siyana. Pokutanga, vaJudha vakachengeteswa zvirevo zvaMwari. Ko ngatitii vamwe vavo vakanga vasina kutendeka? Kusatendeka kwavo kunoshaisha basa kutendeka kwaMwari here? Kwete, hazvidaro, Mwari anofanira kuva pachokwadi kunyange vanhu vose vakave venhema, sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi, “Kana motaura, zvinobuda pachena kuti ndicho chokwadi kana mukapinzwa dare munobuda musina mhosva.” Ko zvino kana uipi huchiratidza ururami hwaMwari, zvino toti kudini? Tingati Mwari akaipa here kana otiranga (ndiri kutaura somunhu?) Kwete, handizvo, nokuti pakadaro Mwari aizotonga pasi sei? Ko zvino kana nhema dzangu dzichiita kuti chokwadi chaMwari chinyatsobuda pachena, zvichiita kuti Mwari arumbidzwe, chandinopirwa mhosva yokuti ndiri mutadzi chii? Vanoti tinoti, “Kana zvakadaro ndingaregerei kuita zvakaipa kuti zvakanaka zvibude mazviri,” sokurasa muromo kunoita vamwe vanhu vachitishora. Kupa vanhu vakadai mhosva kwakarurama. Ko zvino isu vaJudha tiri nani here ipapa? Kwete, napaduku pose. Inga wani tamboti vanhu vose, vaJudha navaGiriki, vari pasi pesimba rechitadzo. Sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi: “Hakuna akarurama kana mumwechete zvake. Hakuna anonzwisisa hakuna anotsvaka Mwari. Vose vakatsauka, vose zvavo pamwechete vakashata. Hapana anoita zvakanaka kana nomumwechete zvake. Gurokuro ravo iguva rakashama, vanoshandisa rurimi rwavo kunyengedza. Mukanwa mavo mune uturu hwenyoka. Miromo yavo izere nokutuka nokuvava. Tsoka dzavo dzinomhanyirira kudeura ropa. Mavanopfuura namo munosara ava matongo nejemedzanwa. Mugariro worugare havauzivi. Mwari havambomuona kuti chii.” Zvino tinoziva kuti chose chinotaurwa nomutemo chinonanga avo vari pasi pomutemo iwoyo kuti pasave naanombopati bufu kuti pasi pabvume muteto pana Mwari nokuti hapana munhu anoruramiswa pamberi pake nezvisungo zvomutemo pamusana pokuti mutemo, chawo kuzivisa vanhu zvechitadzo.

Verenga chikamu Varoma 3