Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Varoma 3:1-20

Varoma 3:1-20 SNA2002

Ko muJudha anopfuura vamwe neiko? Kana kudzingiswa kunobatsireiko? Zvizhinji, nemitowo yose, Pakutanga, kuti ndivo vakapiwa mashoko aMwari. Nokuti zvinodiniko kana vamwe vasina kutenda? Ko kusatenda kwavo kuchakonesa kutendeka kwaMwari here? Haisva! Mwari ngaave wachokwadi, asi vanhu vose vave venhema; sezvazvakanyorwa, zvichinzi, “Kuti mururamiswe pamashoko enyu, Mukunde pakutonga kwenyu.” Asi kana kusarurama kwedu kuchiratidza kururama kwaMwari, tichatiiko? Kuti Mwari haana kururama here, zvaanoita nehasha? (Ndinotaura nokutaura kwomunhu.) Haisva! Mwari angagozotonga nyika seiko? Zvino kana chokwadi chaMwari chawanzwa nenhema dzangu, iye akakudzwa nazvo, ko neniwo ndichatongerwei somutadzi? Ticharegereiko kutaura (sezvatinopomerwa, uye sezvinoreva vamwe vachiti tinodaro), tichiti, “Ngatiite zvakaipa, kuti zvakanaka zvibudepo?” Kutongwa kwavo kwakarurama. Zvino todiniko? Tinovapfuura here? Kwete napaduku; nokuti tambopa vose mhosva, vaJudha navaGiriki, tichiti vose vakasungwa nezvivi; sezvazvakanyorwa, zvichinzi, “Hakuna akarurama, kunyange nomumwe; Hakuna anonzwisisa, Hakuna anotsvaka Mwari; Vakatsauka vose, vakava vanhu vasina maturo, Hakuna anoita zvakanaka, kunyange nomumwechete; Huro dzavo bwiro hwakashama; Vakanyengera nendimi dzavo; Uturu hwenyoka huri mumiromo yavo; Muromo wavo uzere nokutuka nokuvava; Tsoka dzavo dzinokurumidza kuteura ropa; Kuparadza nenhamo zviri munzira dzavo; Nenzira yorugare havana kuiziva Kutya Mwari hakupo pamberi pavo.” Zvino tinoziva kuti zvose zvinorehwa nomurayiro, anozvitaura kuna vose vari pasi pomurayiro; kuti miromo yose idzivirwe, nenyika yose ive nemhosva pamberi paMwari. Nokuti hakuna nyama ingaruramiswa pamberi pake namabasa omurayiro; nokuti zvivi zvinoziviswa nomurayiro.

Verenga chikamu Varoma 3