Naizvozvo ngativavarirei kuita zvinounza rugare nezvinoita kuti tivakane. Musaparadze basa raMwari pamusana pezvokudya. Chokudya chose chakanaka asi hazvina kunaka kuti munhu aite kuti vamwe vatadze pamusana pezvaanodya. Zvakatonaka zvazvo kusadya nyama kana kunwa waini kana kuita chipi zvacho chingaite kuti hama yako itadze. Chitendero chaunacho ngachive chako iwe naMwari pahuviri hwenyu. Akakomborerwa munhu asingazvipi mhosva kana aita zvaanga anyatsofunga kuita. Asi munhu anokahadzika akadya anopara mhosva nokuti kuita kwake hakubvi muchitendero nokuti kuita kose kusingabvi muchokwadi chiri mumwoyo womunhu chitadzo.
Verenga chikamu Varoma 14
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Varoma 14:19-23
3 Mazuva
Kunamato chinhu chinoteedzerwa zvakanyanya kwete muchikristu chete asiwo muzvitendero zvakawanda. Chidzidzo chekunamata chadzidziswa nenzira dzakawanda dzakafana nekuti tinonamata sei uye kuti munamato chimbori chii. Chidzidzo chino chichaongorora nyaya yekunamata kubva pamadzidzisiro akaita Jesu kuvadzidzi vake panechikamu chakunzi munamato waKristu tenzi wedu.
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo