VaRoma 14:19-23
VaRoma 14:19-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Naizvozvo ngatishingairirei kutsvaga izvo zvinouyisa rugare uye zvatingasimbisana nazvo. Musaparadza basa raMwari nokuda kwezvokudya. Zvokudya zvose zvakachena, asi hazvina kunaka kuti munhu adye chinhu chipi zvacho chingagumbusa mumwe munhu. Zviri nani kusadya nyama kana kusanwa waini kana kusaita chimwe chinhu chinoita kuti hama yako iwe. Saka zvose zvaunotenda pamusoro pezvinhu izvi ngazvive pakati pako naMwari. Akaropafadzwa munhu asingazvipi mhosva pazvinhu zvaanotenda. Asi munhu anonyunyuta ava nemhosva kana akadya nokuti kudya kwake hakusi kwokutenda; uye zvinhu zvose zvisingabvi pakutenda chivi.
VaRoma 14:19-23 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Naizvozvo ngatitsvake izvo zvinouyisa rugare nezvatingasimbisana nazvo. Regai kuparadza basa raMwari nokuda kwezvokudya. Zvinhu zvose zvakanaka hazvo, asi zvakaipira munhu anodya achigumbusa vamwe. Zvakanaka kusadya nyama, kana kusanwa waini, kana kusaita chimwe chinhu chingagumbusa hama yako. Kana uri iwe, kutenda kwaunako uve nako umene pamberi paMwari. Akaropafadzwa munhu uyo asingazvipi mhosva pazvinhu zvaanozvitendera. Asi uyo anonyunyuta ava nemhosva kana achidya, nokuti haadyi nokutenda; zvose zvisingabvi pakutenda, zvivi.
VaRoma 14:19-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Naizvozvo ngativavarirei kuita zvinounza rugare nezvinoita kuti tivakane. Musaparadze basa raMwari pamusana pezvokudya. Chokudya chose chakanaka asi hazvina kunaka kuti munhu aite kuti vamwe vatadze pamusana pezvaanodya. Zvakatonaka zvazvo kusadya nyama kana kunwa waini kana kuita chipi zvacho chingaite kuti hama yako itadze. Chitendero chaunacho ngachive chako iwe naMwari pahuviri hwenyu. Akakomborerwa munhu asingazvipi mhosva kana aita zvaanga anyatsofunga kuita. Asi munhu anokahadzika akadya anopara mhosva nokuti kuita kwake hakubvi muchitendero nokuti kuita kose kusingabvi muchokwadi chiri mumwoyo womunhu chitadzo.
VaRoma 14:19-23 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Naiɀoɀo ŋgatitȿake iɀo ɀinoʋuyisa rugare neɀatiŋgasimbisana naɀo. Regai kuparadza ɓasa raMŋari nokuɗa kweɀokudya. Ɀinhu ɀose ɀakanaka haɀo: asi ɀakaipira munhu unodya acigumbusa ʋamŋe. Ɀakanaka kusadya nyama, kana kusanwa waini, kana kusaita cimŋe cinhu ciŋgagumbusa hama yako. Kana uri iwe, kutenda kwaunako uʋe nako umene pamberi paMŋari. Wakaropafadzwa munhu uyo usiŋgaɀipi mhoȿa paɀinhu ɀaanoɀitendera. Asi uyo unonyunyuta waʋa nemhoȿa kana acidya, nokuti haadyi nokutenda; ɀose ɀisiŋgabvi pakutenda, ɀiʋi.
VaRoma 14:19-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)