Pamusana pechipo chandakapiwa nenyasha dzaMwari ndinoda kudzora munhu oga oga pakati penyu kuti arege kuzvitora soopamusoro kupinda zvaari asi nepfungwa dzakagadzana kuzviera maererano nechitendero chaakapiwa naMwari. Sezvakangoita kuti mumuviri mumwechete mune mitezo mizhinji. Uye mitezo iyoyo yose haishandi basa rimwechete. Ndizvozvowo zvimwechete nesu kunyange takawanda kudai, tiri muviri mumwechete muna Kristu uye mumwe nomumwe mutezo wavamwe vose. Tine zvipo zvakasiyana–siyana maererano nenyasha dzatakapiwa; ngatizvishandisei. Kana chiri chipo chokuporofita, tinofanira kuporofita zvinofambirana nechitendero chedu. Kana chiri chokuitira vamwe mabasa ngatiitei mabasa, iwayo, anodzidzisa, ngaachisevenzese mukudzidzisa. Ane chipo chokusimbisa vamwe, ngaachisevenzese mukusimbisa vamwe. Ane chipo chokupa, ngaave mupanegombe; kana chiri chipo choutungamiri, tungamirira nomwoyo wose kana chiri chamabasa etsitsi chiite nemwoyo unofara. Rudo ngarurege kuva rwokungonyengedzera, vengai chakaipa, rambai makati kwati kwati nezvakanaka. Idanai somukomanomunun'una. Kundai vamwe pakuremekedzana. Rambai uri moto moto pakushandira Mwari; muchinganduma naMweya Mutsvene; shandirai Tenzi. Farai muchitarisiro chenyu, tirirai mumatambudziko enyu. Rambai muchingonamata. Bisawo mugove wako wokubatsira varurami vanenge vasina chokubata. Gamuchiranai mudzimba dzenyu. Itii, Mwari ngaakomborere vanokushushai; vakumbirirei chikomborero, musavarengerere rushambwa. Farai navanofara, muchemewo navanochema. Garai muchinzwanana; Musazvikudze. Fambidzanai navapasi pasi. Musambozvitutumadza. Musatsive chakaipa nechakaipa. Vavarirai kuita chinenge chichinzi navose chakanaka. Kana zvichikwanisika sokugona kwenyu garisanai navanhu vose zvakanaka. Hama dzangu dzadiwa, musatsividze asi zvisiirei kuna Mwari anoranga nehasha dzake nokuti zvakanyorwa zvichinzi, “Kutsividza ndokwangu. Ini ndini ndinodzorera.” Ndizvo zvinotaura Tenzi. Kwete, kana muvengi wako ane nzara mupe chokudya. Kana ane nyota mupe chokunwa. Nokuti ukaita zvakadaro unotounganidza mazimbe omoto pamusoro pake. Usakundwe nezvakaipa asi kunda zvakaipa nokuita zvakanaka.
Verenga chikamu Varoma 12
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Varoma 12:3-21
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo