VaRoma 12:3-21
VaRoma 12:3-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokuti nenyasha dzandakapiwa ndinoti kuno mumwe nomumwe wenyu: Usazviisa pamusoro kupfuura paunofanira kunge uri, asi ufunge nokufunga kwakachenjera, maererano nechiyero chokutenda chawakapiwa naMwari. Nokuti sezvatino muviri mumwe une mitezo mizhinji, uye mitezo iyi yose haina basa rimwe chete, saizvozvowo muna Kristu isu tiri vazhinji, tinoumba muviri mumwe chete, uye mutezo mumwe nomumwe mutezo wavamwe. Tine zvipo zvakasiyana-siyana, maererano nepatakapiwa napo nyasha. Kana chipo chomunhu kuri kuprofita, ngaachishandise maererano nokutenda kwake. Kana kuri kushumira ngaashumire; kana kuri kudzidzisa, ngaadzidzise; kana kuri kukurudzira, ngaakurudzire; kana kuri kupa kuna vanoshayiwa, ngaape nomwoyo wose; kana kuri kutungamirira, ngaabate nokushingaira; kana kuri kunzwira ngoni, ngaaite nomufaro. Rudo ngaruve rwechokwadi. Vengai zvakaipa; namatirai pane zvakanaka. Ivai norudo rukuru mumwe kuno mumwe savadikani. Mumwe nomumwe wenyu ngaakudze mumwe kupfuura kuzvikudza kwaanozviita iye. Musatomborega kushingaira, asi pisai pamweya, muchishumira Ishe. Farai mutariro, tsungirirai pakutambudzika, rambai muchinyengetera. Goveranai navanhu vaMwari vanoshayiwa. Itirai vaeni rudo. Ropafadzai vanokutambudzai; ropafadzai musatuka. Farai navanofara; chemai navanochema. Garai zvakanaka mumwe nomumwe. Musazvikudza, asi muve nechido chokufambidzana navanhu vapasi pasi. Musazviita vakachenjera. Musatsiva munhu chakaipa nechakaipa. Chenjererai kuti muite zvakanaka pamberi pavanhu vose. Kana zvichibvira, napamunogona napo, ivai norugare navanhu vose. Musatsiva, vadikani vangu, asi siyirai kutsamwa kwaMwari mukana, nokuti kwanyorwa kuchinzi, “Kutsiva ndokwangu; ini ndicharipira,” ndizvo zvinotaura Ishe. Asi: “Kana muvengi wako ane nzara mupe zvokudya, kane ane nyota mupe chokunwa. Mukuita izvi, uchatutira mazimbe anopisa pamusoro wake.” Usakundwa nezvakaipa, asi ukunde zvakaipa nezvakanaka.
VaRoma 12:3-21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti nenyasha dzandakapiwa, ndinoudza mumwe nomumwe ari pakati penyu, kuti arege kuzvifunga mukuru kupfuura paanofanira kufunga napo; asi afunge nokufunga kwakachenjera, mumwe nomumwe nechiyero chokutenda, sezvaakagoverwa naMwari. Nokuti sezvatine mitezo mizhinji pamuviri mumwe, asi mitezo yose haina basa rimwechete; saizvozvo isu, tiri vazhinji, tiri muviri mumwechete munaKristu, mumwe nomumwe ari mutezo wavamwe. Tine zvipo zvakasiyana, patakapiwa nyasha napo; kana kuri kuporofita, ngatiporofite zvakaenzana nokutenda kwedu; kana kuri kushumira, ngazvionekwe pakushumira kwedu; kana kuri kudzidzisa, pakudzidzisa kwedu; kana kuri kurayira, pakurayira kwedu; anopa, ngaape nomwoyo wose; ari mukuru, ngaabate nokushingaira; anoitira ngoni, ngaaite nomufaro. Rudo ngarurege kuva nokunyengera. Vengai zvakaipa; namatirai zvakanaka. Kana ruri rudo pakati pavatendi, danai norudo rukuru; pakukudzana tungamiriranai. Regai kuva nousimbe pakushingaira; pisai pamweya; batirai Ishe; farai patariro; tsungirirai pakutambudzika; rambai muchinyengetera; govanai navatsvene pakushayiwa kwavo; itirai vaeni rudo. Ropafadzai vanokutambudzai; ropafadzai, musatuka. Farai navanofara; chemai navanochema. Ivai nomwoyo mumwe pakati penyu. Musatsvaka zvinorumbidzwa, asi mufambidzane navanozvininipisa. Musati pamwoyo yenyu makachenjera. Musatsiva munhu chakaipa kana akuitirai chakaipa. Tsvakai zvakarurama pamberi pavanhu vose. Kana zvichibvira, pamunogona napo, ivai norugare navanhu vose. Musatsiva, vadikanwi, asi mudziurire kutsamwa; nokuti kwakanyorwa, kuchinzi, “Kutsiva ndokwangu, ini ndicharipira ndizvo zvinoreva Ishe.” Asi kana muvengi wako aziya, umupe kudya; kana afa nenyota, umupe kunwa; nokuti kana uchiita izvozvo, uchatutira mazimbe omoto pamusoro wake. Usakundwa nezvakaipa, asi ukunde zvakaipa nezvakanaka.
VaRoma 12:3-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pamusana pechipo chandakapiwa nenyasha dzaMwari ndinoda kudzora munhu oga oga pakati penyu kuti arege kuzvitora soopamusoro kupinda zvaari asi nepfungwa dzakagadzana kuzviera maererano nechitendero chaakapiwa naMwari. Sezvakangoita kuti mumuviri mumwechete mune mitezo mizhinji. Uye mitezo iyoyo yose haishandi basa rimwechete. Ndizvozvowo zvimwechete nesu kunyange takawanda kudai, tiri muviri mumwechete muna Kristu uye mumwe nomumwe mutezo wavamwe vose. Tine zvipo zvakasiyana–siyana maererano nenyasha dzatakapiwa; ngatizvishandisei. Kana chiri chipo chokuporofita, tinofanira kuporofita zvinofambirana nechitendero chedu. Kana chiri chokuitira vamwe mabasa ngatiitei mabasa, iwayo, anodzidzisa, ngaachisevenzese mukudzidzisa. Ane chipo chokusimbisa vamwe, ngaachisevenzese mukusimbisa vamwe. Ane chipo chokupa, ngaave mupanegombe; kana chiri chipo choutungamiri, tungamirira nomwoyo wose kana chiri chamabasa etsitsi chiite nemwoyo unofara. Rudo ngarurege kuva rwokungonyengedzera, vengai chakaipa, rambai makati kwati kwati nezvakanaka. Idanai somukomanomunun'una. Kundai vamwe pakuremekedzana. Rambai uri moto moto pakushandira Mwari; muchinganduma naMweya Mutsvene; shandirai Tenzi. Farai muchitarisiro chenyu, tirirai mumatambudziko enyu. Rambai muchingonamata. Bisawo mugove wako wokubatsira varurami vanenge vasina chokubata. Gamuchiranai mudzimba dzenyu. Itii, Mwari ngaakomborere vanokushushai; vakumbirirei chikomborero, musavarengerere rushambwa. Farai navanofara, muchemewo navanochema. Garai muchinzwanana; Musazvikudze. Fambidzanai navapasi pasi. Musambozvitutumadza. Musatsive chakaipa nechakaipa. Vavarirai kuita chinenge chichinzi navose chakanaka. Kana zvichikwanisika sokugona kwenyu garisanai navanhu vose zvakanaka. Hama dzangu dzadiwa, musatsividze asi zvisiirei kuna Mwari anoranga nehasha dzake nokuti zvakanyorwa zvichinzi, “Kutsividza ndokwangu. Ini ndini ndinodzorera.” Ndizvo zvinotaura Tenzi. Kwete, kana muvengi wako ane nzara mupe chokudya. Kana ane nyota mupe chokunwa. Nokuti ukaita zvakadaro unotounganidza mazimbe omoto pamusoro pake. Usakundwe nezvakaipa asi kunda zvakaipa nokuita zvakanaka.
VaRoma 12:3-21 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti nenyasha dzandakapiwa, ndinoʋudza mumŋe nomumŋe uri pakati penyu, kuti arege kuɀifuŋga mukuru kupfuʋura paanofanira kufuŋga napo; asi afuŋge nokufuŋga kwakacenjera, mumŋe nomumŋe neciyero cokutenda, seɀaakagoʋerwa naMŋari. Nokuti seɀatinemitezo mizhinji pamuʋiri mumŋe, asi mitezo yose haineɓasa rimŋe cete; saiɀoɀo isu, tiri ʋazhinji, tiri muʋiri mumŋe cete munaKristu, mumŋe nomumŋe ari mutezo waʋamŋe. Tineɀipo ɀakasiyana, patakapiwa nyasha napo; kana kuri kuprofita, ŋgatiprofite ɀakaenzana nokutenda kweɗu; kana kuri kushumira, ŋgaɀiʋonekwe pakushumira kweɗu; kana kuri kudzidzisa, pakudzidzisa kweɗu; kana kuri kuraira, pakuraira kweɗu; unopa, ŋgaape nomŋoyo wose; uri mukuru, ŋgaaɓate nokushiŋgaira; unoitira ŋgoni, ŋgaaite nomufaro. Ruɗo ŋgarurege kuʋa nokunyeŋgera. Ʋeŋgai ɀakaipa; namatirai ɀakanaka. Kana ruri ruɗo pakati paʋatendi, ɗanai noruɗo rukuru; pakukudzana tuŋgamiriranai. Regai kuʋa noʋusimbe pakushiŋgaira; pisai pamŋeya; ɓatirai Ishe; farai patariro; tsuŋgirirai pakutambudzika; rambai mucinyeŋgetera; goʋanai naʋatȿene pakushaiwa kwaʋo; itirai ʋaeni ruɗo. Ropafadzai ʋanokutambudzai; ropafadzai, musatuka. Farai naʋanofara; cemai naʋanocema. Iʋai nomŋoyo mumŋe pakati penyu. Musatȿaka ɀinorumbidzwa, asi mufambidzane naʋanoɀininipisa. Musati pamŋoyo yenyu makacenjera. Musatsiʋa munhu cakaipa kana akuitirai cakaipa. Tȿakai ɀakarurama pamberi paʋanhu ʋose. Kana ɀicibvira, pamunogona napo, iʋai norugare naʋanhu ʋose. Musatsiʋa, ʋaɗikanwa, asi mudziʋurire kutsamŋa; nokuti kwakanyorwa, kucinzi: Kutsiʋa ndokwaŋgu, ini ndicaripira — ndiɀo ɀinoreʋa Ishe. Asi kana muʋeŋgi wako aziya, umupe kudya; kana afa nenyota, umupe kunwa; nokuti kana uciita iɀoɀo, ucatutira mazimbe omŋoto pamusoro wake. Usakundwa neɀakaipa, asi ukunde ɀakaipa neɀakanaka.
VaRoma 12:3-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)