Mungadaro mukafunga kuti makachenjera, ndingade kuti muzive chakavandika ichi hama dzangu. Kuomaradza mwoyo kwakapinda muchikamu cheIsiraeri kusvikira huwandu hwevechirudzi vose hwapinda. Naizvozvo Isiraeri yose ichaponeswa sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi, “Mununuri achabva kuZioni achaparadza kusanamata Mwari kose muna Jakobho. Ichochi ndicho chichava chitenderano changu navo kana ndabvisa zvitadzo zvavo.” Pane zveShoko Rakanaka, imhandu dzaMwari kuitira imi, asi pane zvokusarudzwa ndavapamwoyo, pamusana pamadzitateguru avo nokuti zvipo zvaMwari nokudaidza kwake ipfirapo. Sezvamakangoita imi kuti makambova vanhu vasingateereri Mwari asi zvino makaitirwa tsitsi pamusana pokusateerera kwavo, saizvozvowo zvino havateereri kuti netsitsi dzamakaitirwa ivo vaitirwewo tsitsi. Ndinodaro nokuti Mwari akaisa vanhu vose mukusateerera kuti anzwire vose tsitsi. Aiwaiwa hakusi kudzama kwakaita upfumi noungwaru noruzivo rwaMwari! Hakusi kusabatika ikoko kwamazano ake nokusarondeka kwakaita nzira dzake! Nokuti ndiani angazive zviri mupfungwa dzaTenzi; uye ndiani akambova mupi wake wamazano. Kana akambomupa chipo chokuti azodzorerwa, nokuti zvinhu zvose zvinobva kwaari uye zvinouya nokwaari uyewo ndezvake. Iye ngaarumbidzwe nokusingaperi. Ameni.
Verenga chikamu Varoma 11
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Varoma 11:25-36
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo