Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Varoma 11:25-36

Varoma 11:25-36 SNA2002

Nokuti hama dzangu, handidi kuti musaziva chavanzika ichi, kuti murege kuva namanyawi; kuti kuomeswa kwomwoyo kwakauya pamusoro pavamwe vavaIsiraeri kusvikira kuzara kwavahedheni kwapinda; naizvozvo rudzi rwose rwavaIsiraeri ruchaponeswa; sezvazvakanyorwa zvichinzi, “PaZioni pachabuda Musununguri; Achabvisa kusada Mwari kuna Jakobho; Iyi ndiyo sungano yangu navo, Musi wandichabvisa zvivi zvavo.” Kana iri Vhangeri, ivo vavengi vaMwari nokuda kwenyu; asi kana kuri kutsanangurwa, vadikanwi nokuda kwamadzibaba. Nokuti zvipo zvaMwari nokudana kwake hazvishandurwi. Nokuti semi kare makanga musingateereri Mwari, asi zvino makanzwirwa ngoni nokusateerera kwavo, saizvozvo naivo zvino havana kuterera, kuti nengoni dzakaitirwa imi naivo vanzwirwewo ngoni. Nokuti Mwari akavapfigira vose pakusateerera kwavo, kuti avanzwire ngoni vose. Aiwa kupfuma kwokuchenjera nokuziva kwaMwari kwakadzika sei! Kutonga kwake hakunganzverwi, nenzira dzake hadzingarondwi! Nokuti ndianiko akaziva murangariro waIshe? Ndianiko akanga ari murayiri wake? Ndianiko akatanga kumupa, kuti aripirwezve? Nokuti zvose zvinobva kwaari, zviripo naye, zviripo nokuda kwake. Ngaave nokubwinya nokusingaperi. Ameni.

Verenga chikamu Varoma 11