Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvakaratidzwa 8:1-13

Zvakaratidzwa 8:1-13 SCLB

Hwayana payakakwatanura namo yechinomwe kwakanyararwa kudenga kwehafu yeawa. Ndipo pandakaona vatumwa vanomwe vaya vanomira pamberi paMwari. Vakapiwa mabhosvo manomwe. Mumwe mutumwa akauya akasvikomira kuatari. Akanga aine bisiro rendarama akapiwa rusenzi rwakawanda kuti arusanganise neminamato yavatsvene vose paatari yendarama iya, pamberi pechigaro choumambo. Utsi hwerusenzi hwakakwira pamwechete neminamato yavatsvene ichibva mumaoko omutumwa aiva pamberi paMwari. Mutumwa akazotora bisiro riya akarizadza nomoto waibva paatari akarikanda panyika pakava nokudhiriridza kwemheni namabhanan'ana nokupenya kwemheni nokundengendeka kwapasi. Zvino vatumwa vanomwe vaya vakanga vaina mabhosvo manomwe, vakagadzirira kuaridza. Mutumwa wokutanga akaridza bhosvo rake kukabva kwaita chimvuramahwe nemoto zvakasanganiswa neropa zvainaya panyika. Chikamu chechitatu chenyika chakatsva, chikamu chechitatu chemiti chakatsva uye uswa unyoro hwakatsva. Mutumwa wechipiri akaridza bhosvo rake ndokubva chimwe chinenge gomo guru raibvira moto, chakandwa mugungwa. Chikamu chechitatu chegungwa chakasanduka kuva ropa. Chikamu chechitatu chezvisikwa zvomugungwa chakafa. Chikamu chechitatu chengarava chakaparadzwa. Mutumwa wechitatu akaridzawo bhosvo rake ndokubva nyenyedzi huru yawa kubva kudenga ichipenya sezhenje ikawira pachikamu chetatu chenzizi uye pazvisipiti zvemvura. Zita renyenyedzi iyoyo rainzi Gavakava. Chikamu chechitatu chemvura chakava gavakava kuvava. Vanhu vazhinji vakafa nemvura iyoyo nokuti yakaitwa gavakava kuvava. Mutumwa wechina akaridzawo bhosvo rake chikamu chechitatu chezuva chakarohwa nechikamu chechitatu chemwedzi nechikamu chechitatu chenyenyedzi zvokuti chikamu chechitatu chechiedza chazvo chakaitwa rima. Chikamu chechitatu chamasikati chakarega kuvheneka, ndizvozvo nechikamu chechitatu chousiku. Ndopandakatarisa, onei gondo richichema nezwi guru paraibhururuka mudenga richiti, “Heyo nhamo, heyo nhamo heyo nhamo iyo kune vagere panyika pacharidzwa mamwe mabhosvo anofanira kuridzwa navamwe vatumwa vatatu.”