Wakati azarura chisimbiso chechinomwe, kunyarara kukavapo kudenga kunenge sehafu yenguva. Ipapo ndakaona vatumwa vanomwe vamire pamberi paMwari; vakapiwa hwamanda nomwe.
Zvino mumwe mutumwa akauya, akamira paaritari, anomudziyo wendarama wezvinonhuwira; akapiwa zvinonhuwira zvizhinji kuti azviise pamwechete neminyengetero yavatsvene vose pamusoro pearitari yendarama, yakanga iri pamberi pechigaro choushe. Utsi hwezvinonhuwira hukakwira pamberi paMwari huchibva muruoko rwomutumwa pamwechete neminyengetero yavatsvene. Mutumwa akatora mudziyo wezvinonhuwira, akauzadza nomoto wearitari, akaukandira panyika; ipapo kwakauya kutinhira, namazwi, nemheni, nokudengenyeka kwenyika.
Ipapo vatumwa vanomwe vakanga vane hwamanda nomwe, vakazvigadzira kuti varidze.
Wokutanga akaridza, kukauya chimvuramabwe nomoto zvakavhenganiswa neropa, zvikakandirwa panyika; ipapo chetatu chenyika chikatsva, nechetatu chemiti chikatsva, nouswa hutema hwose hwakatsva.
Zvino mutumwa wechipiri akaridza, chimwe chakaita segomo guru rinopfuta moto chikakandwa mugungwa; ipapo chetatu chegungwa chikashanduka ropa; chetatu chezvisikwa zvakanga zviri mugungwa zvikafa, izvo, zvakanga zvino upenyu; nechetatu chezvikepe chikaparadzwa.
Zvino mutumwa wechitatu akaridza, nyeredzi huru, yakapfuta sezhenje, ikawa kudenga, ikawira pamusoro pechetatu chenzizi napamatsime emvura; zita renyeredzi rakanga richinzi, “Chinovava;” ipapo chetatu chemvura chikavaviswa, vanhu vazhinji vakafa nemvura, nokuti yakanga yavaviswa.
Zvino mutumwa wechina akaridza, chetatu chezuva chikarohwa, nechetatu chomwedzi, nechetatu chenyeredzi, kuti chetatu chazvo chisvibiswe, uye kuti chetatu chamasikati chirege kuvhenekera, nousiku saizvozvo.
Ipapo ndakatarira, ndikanzwa gondo rimwe richibhururuka pakati pedenga, richiti nezwi guru, “Nhamo, nhamo, nhamo, kuna vanogara panyika, nokuda kwamazwi mamwe ehwamanda avatumwa vatatu vachazoridza.”