Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvakaratidzwa 6:1-17

Zvakaratidzwa 6:1-17 SCLB

Ndipo pandakaona Hwayana ichikwatanura namo yokutanga, imwe yenamo nomwe dziya. Ndakanzwa chimwe chezvisikwa zvipenyu zvina zviya chichitaura nezwi rinenge mabhanan'ana richiti, “Uya.” Ndakatarisa, onei bhiza jena, mutasvi waro aine uta. Akagadzwa chiremba choumambo. Akabuda ari mukundi ari kundokunda. Paakakwatanura namo yechipiri ndakanzwa chisikwa chipenyu chechipiri chichiti, “Uya.” Pakabva pabuda rimwe bhiza rakati piriviri kutsvuka. Mutasvi waro akabvumirwa kubvisa rugare panyika. Akapiwa bakatwa guru kuti vanhu vaurayane. Paakakwatanura namo yechitatu, ndakanzwa chisikwa chipenyu chechitatu chichiti, “Uya.” Ndakatarisa onei bhiza dema mutasvi waro aine chikero muchanza. Ndakazonzwa chimwe chainge izwi pakati pezvisikwa zvipenyu zviya chichiti, “Rita yekoroni ndiwo muripo uchapiwa munhu pazuva marita matatu ebhari ndiwo muripo uchapiwa munhu pazuva asi mafuta newaini usazvibate–bate.” Paakakwatanura namo yechina ndakanzwa izwi rechisikwa chipenyu chechina richiti, “Uya.” Ndakatarisa, onei bhiza rakabhuruvara, zita romutasvi waro rainzi Rufu Nzvimboyorufu ichimutevera mushure. Chikamu chenyika chechina chakaiswa mumaoko avo kuti vauraye vanhu nehondo yebakatwa nenzara nedenda nezvikara zvapasi. Paakakwatanura namo yechishanu, ndakaona pasi peatari mweya yavanhu vakaurairwa shoko raMwari nouchapupu hwavakaita. Vakadaidzira nezwi guru vachiti, “samasimba changamire mutsvene wechokwadi, kuchazova riniko musati matonga nokutsividza ropa redu kuna vavo vanogara panyika?” Mumwe nomumwe wavo akapiwa gemenzi jena, vachiudzwa kuti vambozorora kashoma kusvikira uwandu hwavashandi pamwe navo nehama dzavo vaifanira kuuraiwa saivo hwakwana. Hwayana iya payakakwatanura namo yechitanhatu ndakaona kundengendeka kukuru. Zuva rakasvipa sesaga, mwedzi wejenaguru wakatsvuka ropa. Nyenyedzi dzedenga dzakakuhumukira pasi pano sokudonhedza kunoita muonde muchero wawo wapachando kana wavhuvhutwa nedutu remhepo. Denga rakanyangarika sebhuku rokumunonora ramoneredzwa. Makomo ose nezvitsuwa zvakabviswa panzvimbo dzazvo. Ipapo madzimambo apanyika navakuru vakuru vavanhu navakuru vakuru vehondo navapfumi navakasimba navavo vose vanoti nhapwa navasununguki vakavanda mumapako napasi pamabwe mumakomo. Vaidaidzira kumakomo namabwe vachiti “Tiwirei mutivandise tirege kuonekwa nouyo agere pachigaro choumambo mutihwandise kuhasha dzeHwayana. Nokuti zuva guru rehasha dzavo rauya, pakadaro ndiani angapamire.”