Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvakazarurwa 6:1-17

Zvakazarurwa 6:1-17 SNA2002

Zvino ndakaona Gwayana richizarura chimwe chezvisimbiso zvinomwe, ndikanzwa chimwe chezvisikwa zvipenyu zvina chichiti nezwi romutinhiro, “Uya!” Ndikatarira, ndikaona bhiza jena, naiye akanga akaritasva, akanga anohuta; akapiwa korona, akabuda achikunda, uye kuti akunde. Akati azarura chisimbiso chechipiri, ndikanzwa chisikwa chipenyu chechipiri chichiti, “Uya!” Ipapo rimwe bhiza rakabuda riri dzvuku; akanga akaritasva akapiwa simba kuti abvise rugare panyika, kuti vaurayane; akapiwa munondo mukuru. Akati azarura chisimbiso chechitatu, ndikanzwa chisikwa chipenyu chechitatu chichiti, “Uya!” Ndikatarira, ndikaona bhiza dema; akanga akaritasva akanga ane chiyereso muruoko rwake. Ndikanzwa izwi pakati pezvisikwa zvipenyu zvina, richiti, “Chiyero chezviyo chichatengwa nedhenari, nezviyero zvitatu zvebhari nedhenari; usatadzira mafuta newaini.” Akati azarura chisimbiso chechina, ndikanzwa izwi rechisikwa chipenyu chechina richiti, “Uya!” Ndikatarira, ndikaona bhiza rakachenuruka; akanga akaritasva, zita rake Rufu; uye Hadhesi rakamutevera. Ivo vakapiwa simba pamusoro pechechina chenyika, kuti vauraye nomunondo, nenzara, norufu, nezvikara zvenyika. Akati azarura chisimbiso chechishanu, ndikaona panyasi pearitari mweya yavanhu vakanga vaurawa nokuda kweshoko raMwari, nokupupura kwavo kwavakapupura; vakadana nezwi guru vachiti, “Tenzi mutsvene wechokwadi, mucharega kutonga vanogara panyika nokutsiva ropa redu kusvikira riniko?” Ipapo mumwe nomumwe wavo akapiwa nguo chena; vakaudzwa kuti vambozorora chinguva chiduku, kusvikira vamwe varanda pamwechete navo nehama dzavo, dzaifanira kuurawa saivo, varinganiswa vose. Zvino ndakaona pakazarura kwake chisimbiso chechitanhatu, kwakanga kunokudengenyika kwenyika kukuru, zuva rakasviba segudza remvere, mwedzi wose ukaita seropa; nenyeredzi dzedenga dzikawira pasi, somuonde unozuza maganga awo, kana uchizununguswa nomututu mukuru. Denga rikabva sebhuku, kana richipetwa; namakomo ose nezviwi zvose zvakabviswa panzvimbo dzazvo. Namadzimambo enyika, navakuru, navatungamiriri vehondo, navapfumi, navane simba, navaranda vose, navakasununguka vose, vakandovanda mumapako nomumabwe amakomo; vakati kumakomo nokumabwe, “Tiwirei, mutivige pameso aiye anogara pachigaro choushe, napakutsamwa kweGwayana; nokuti zuva guru rokutsamwa kwavo rakasvika; ndianiko anogona kumira?”