Ipapo ndipo pandakazoona denga idzva nenyika itsva nokuti denga rakare nenyika yakare zvakanga zvapfuura uye gungwa pakanga pasisina. Ndakazoona guta dzvene Jerusaremu idzva richiburuka mudenga richibva kuna Mwari rakagadzirirwa semwenga, mwenga akashongedzerwa murume wake. Ndakanzwa izwi guru richibva pachigaro choumambo richiti, “Tarisai muone kuti Mwari ava kuzoita musha wake pakati pavanhu. Achagara navo; ivo vachava vanhu vake iyewo Mwari pachake achava navo. Achapukuta misodzi yose pamaziso avo. Rufu haruchazovapozve, hapachazova nokuungudza kana kuchema kana kurwadziwazve, nokuti zvinhu zvakare zvinenge zvapfuura.” Uya akanga agere pachigaro choumambo akati, “Tarisai muone ndava kuita kuti zvinhu zvose zvive zvitsva.” Akatizve, “Nyora izvi nokuti mazwi aya mazwi anovimbika uye ndeechokwadi.” Uya akanditi, “Zvaitika. Ndini Arifa naOmega ndini mavambo namagumo ezvinhu kune vane nyota ndichavapa mvura pasina muripo ichibva mukasipiti kemvura youpenyu. Uyo anokunda achawana mugove wenhaka yezvinhu izvi ini ndichava Mwari wake iye achivawo mwana wangu. Asi mbwende, navanohedhuka navakapara zvitadzo nemhondi nemhombwe navaroyi, navanamati vezvinhu zvisiri Mwari, navarevi venhema, chavo ivo zidziva riya rinobvira moto nesarufa. Ndirwo rufu rwechipiri.” Ndipo pakazouya mumwe wavatumwa vanomwe vaya vakanga vane ndiro nomwe dzakanga dzizere pfumvu nomwe dzokupedzisira. Akati kwandiri, “Uya ndikuratidze mwenga, mudzimai weHwayana.” Ndiina Mweya, akanditakura akaenda neni kuGomo refurefu akandiratidza guta dzvene reJerusaremu richiburuka richibva mudenga, richibva kuna Mwari riine kupenya kokuvapo kwaMwari. Rain'aima sechishongo chinokosha kwazvo uye seemeradhi rakachena sezvimedu zvedombo romusarasara. Rakanga riine rusvingo rukuru rwakareba kuenda mudenga ruine misuo mikuru gumi nemiviri. Pamisuo mikuru iyoyo paiva navatumwa gumi navaviri. Pamisuo mikuru iyoyo pakanga pakanyorwa mazita amadzinza gumi namaviri avaIsiraeri. Kumabvazuva kwaiva nemisuo mikuru mitatu; kuchamhembe kuine misuo mikuru mitatu; kumaodzanyemba kuine misuo mikuru mitatu kumadokerowo kuine misuo mikuru mitatu. Rusvingo rweguta iroro rwakanga ruina matombo ohugaro gumi namaviri. Paugaro ipapo pakanga pakanyorwa mazita gumi namaviri avapositori veHwayana.
Verenga chikamu Zvakaratidzwa 21
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Zvakaratidzwa 21:1-14
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo