Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nziyo 95:1-6

Nziyo 95:1-6 SCLB

Uyai tiimbe tichirumbidza TENZI. Ngatipururudzirei nomufaro dombo ratinopona naro. Ngatiuyei paari tichimutenda ngatimupururudzirei tichimurumbidza nedzimbo. Nokuti TENZI ndiMwari mukuru, uye ndiMambo mukuru ari pamusoro pavanamwari vose. Pasi pakadzamisisa pari mumaoko ake, kunyange nhungamakore dzamakomo ndedzake. Gungwa nderake nokuti ndiye akarisika uye nyika yakaoma, nokuti maoko ake ndiwo akaiumba. Uyai tigwadame tikotame tichipfugamira TENZI musiki wedu

Verenga chikamu Nziyo 95