Uyai, tiimbire Jehovha; Ngatipururudzei dombo rokuponeswa kwedu. Ngatisvike pamberi pake tichivonga, Ngatimupururudzei namapisarema, Nokuti Jehovha ndiMwari mukuru, Mambo mukuru anokunda vamwari vose. Nzvimbo dzakadzika dzapasi dziri muruoko rwake; Misoro yamakomo ndeyakewo. Gungwa nderake, ndiye akariita; Maoko ake akaumba nyika yakaoma. Uyai, tinamate tikotamire pasi; Ngatipfugame pamberi paJehovha Muiti wedu.
Verenga chikamu Mapisarema 95
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 95:1-6
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo