Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nziyo 92:1-15

Nziyo 92:1-15 SCLB

Chinhu chakanaka kurumbidza TENZI uye kuimba tichirumbidza zita renyu imi Wokumusorosoro. Kuparidza mwoyochena wenyu mangwanani uye kutendeka kwenyu usiku nembira nedimbwa nechipendani. Nokuti imi TENZI makaita kuti ndifare nebasa renyu. Ndinopururudzira basa ramaoko enyu norufaro. Hakusi kukura ikoko kwakaita mabasa enyu TENZI. Pfungwa dzenyu dzakadzama zvikuru. Munhu akapata haangazvizivi. Dununu haringazvizivi izvi zvokuti kunyange zvazvo vakaipa vangatutumuke kukura souswa uye kuti vaiti vezvakaipa vangabudirire zvavo, chavo kuparadzwa nokusingaperi. Asi imi TENZI muri wopamusorosoro nokusingaperi. Nokuti tarisai muone mhandu dzenyu TENZI tarisai muone kuti mhandu dzenyu dzichaparara vaiti vezvakaipa vachamwarariswa. Asi imi makandisimbaradza senyanga yenyati, makandizodza namafuta mutsva. Ndakaona namaziso angu kuputsika kwavavengi vangu ndakanzwawo nenzeve dzangu kuparara kwavakaipa vanondirwisa. Vakarurama vanobudirira sokukura kunoita murara uye vanokura somusidhari wokuRebhanoni. Vanosimwa muimba yaTENZI, vanobudirira mumipanda yaMwari wedu. Vanobereka michero ivo vakwegura zvavo, vanoramba vari vanyoro vakasvibira kuratidza kuti TENZI ari pachokwadi ndiye dombo rangu maari hamuna chakaipa.

Verenga chikamu Nziyo 92