Mapisarema 92:1-15
Mapisarema 92:1-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvakanaka kurumbidza Jehovha nokuimbira zita renyu nziyo, imi Wokumusoro-soro, kuparidza rudo rwenyu mangwanani nokutendeka kwenyu usiku, nechiridzwa chine hungiso gumi namaririro akanaka embira. Nokuti munondifadza namabasa enyu, imi Jehovha; ndinoimba nomufaro nokuda kwamabasa amaoko enyu. Haiwa Jehovha, mabasa enyu makuru seiko, ndangariro dzenyu dzakadzika sei! Munhu asina njere haazivi, mapenzi haanzwisisi, kuti kunyange vakaipa vachimera souswa, uye vaiti vezvakaipa vose vachikura, vachaparadzwa nokusingaperi. Asi imi, iyemi Jehovha, munosimudzirwa nokusingaperi. Nokuti zvirokwazvo vavengi venyu, imi Jehovha, zvirokwazvo vavengi venyu vachaparadzwa; vaiti vezvakaipa vose vachaparadzirwa. Makasimudzira runyanga rwangu sorwenyati; mafuta akaisvonaka akadururirwa pamusoro pangu. Meso angu akaona kukundwa kwavadzivisi vangu; nzeve dzangu dzakanzwa kuparadzwa kwavavengi vangu vakaipa. Vakarurama vachakura kwazvo somuchindwe, vachakura somusidhari weRebhanoni; wakadyarwa muimba yaJehovha, vachakura kwazvo muvanze dzaMwari wedu. Vacharamba vachibereka zvibereko pakukwegura kwavo, vachagara vari vanyoro uye vari vatsva. Vachaparidza kuti, “Jehovha akarurama; ndiye Dombo rangu, uye maari hamuna chakaipa.”
Mapisarema 92:1-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvakanaka kuvonga Jehovha, Nokuimbira zita renyu nziyo dzokurumbidza, imi Wokumusorosoro; Kuparidza unyoro hwenyu mangwanani, Nokutendeka kwenyu usiku hwose, Nechinoridzwa chine ungiso gumi, nomutengeranwa; Nezwi rakanaka pambira. Nokuti imi, Jehovha, makandifadza nezvamakaita; Ndichafara kwazvo namabasa amaoko enyu. Mabasa enyu akakura seiko, Jehovha! Mifungo yenyu yakadzika kwazvo. Asina njere haazvizivi; Benzi harinzwisisi izvozvi, Kana vakaipa vachimera souswa, Uye kana vaiti vose vezvakaipa vachikura; Zvinoitwa kuti vaparadzwe nokusingaperi. Asi imi Jehovha, muri kumusoro nokusingaperi. Nokuti tarirai, Jehovha, vavengi venyu, Nokuti tarirai, Jehovha, vavengi venyu vachaparara; Vaiti vose vezvakaipa vachaparadzirwa. Asi runyanga rwangu makarusimudza sorunyanga rwenyati; Ndakazodzwa namafuta matsva. Ziso rangu rakaona zvakaitirwa vavengi vangu, Nzeve dzangu dzakanzwa zvakaitirwa vaiti vezvakaipa, vakandimukira. Akarurama achamera somuchindwe; Achakura somusidhari paRebhanoni. Vakasimwa mumba maJehovha Vachakura muvazhe dzaMwari wedu. Vacharamba vachibereka zvibereko pakukwegura kwavo; Vachava vanyoro navatsva; Kuti vaparidze kuti Jehovha akarurama; Ndiye dombo rangu, hapana chinhu chisina kururama maari.
Mapisarema 92:1-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Chinhu chakanaka kurumbidza TENZI uye kuimba tichirumbidza zita renyu imi Wokumusorosoro. Kuparidza mwoyochena wenyu mangwanani uye kutendeka kwenyu usiku nembira nedimbwa nechipendani. Nokuti imi TENZI makaita kuti ndifare nebasa renyu. Ndinopururudzira basa ramaoko enyu norufaro. Hakusi kukura ikoko kwakaita mabasa enyu TENZI. Pfungwa dzenyu dzakadzama zvikuru. Munhu akapata haangazvizivi. Dununu haringazvizivi izvi zvokuti kunyange zvazvo vakaipa vangatutumuke kukura souswa uye kuti vaiti vezvakaipa vangabudirire zvavo, chavo kuparadzwa nokusingaperi. Asi imi TENZI muri wopamusorosoro nokusingaperi. Nokuti tarisai muone mhandu dzenyu TENZI tarisai muone kuti mhandu dzenyu dzichaparara vaiti vezvakaipa vachamwarariswa. Asi imi makandisimbaradza senyanga yenyati, makandizodza namafuta mutsva. Ndakaona namaziso angu kuputsika kwavavengi vangu ndakanzwawo nenzeve dzangu kuparara kwavakaipa vanondirwisa. Vakarurama vanobudirira sokukura kunoita murara uye vanokura somusidhari wokuRebhanoni. Vanosimwa muimba yaTENZI, vanobudirira mumipanda yaMwari wedu. Vanobereka michero ivo vakwegura zvavo, vanoramba vari vanyoro vakasvibira kuratidza kuti TENZI ari pachokwadi ndiye dombo rangu maari hamuna chakaipa.
Mapisarema 92:1-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀakanaka kuʋoŋga Jehova, Nokuimbira zita renyu nziyo dzokurumbidza, imi Wokumsoro‐soro; Kuparidza ʋunyoro bgenyu maŋgwanani, Nokutendeka kwenyu ʋusiku bgose, Necinoridzwa cinehuŋgiso gumi, nomuteŋgeranwa; Nenzwi rakanaka pambira. Nokuti imi, Jehova, makandifadza neɀamakaita; Ndicafara kwaɀo namaɓasa amaʋoko enyu. Maɓasa enyu akakura seiko, Jehova! Mifuŋgo yenyu yakadzika kwaɀo. Usinenjere haaɀiziʋi; Ƃenzi harinzwisisi iɀoɀi: Kana ʋakaipa ʋacimera soʋuswa, Ʋuye kana ʋaiti ʋose ʋeɀakaipa ʋacikura; Ɀinoitwa kuti ʋaparadzwe nokusiŋgaperi. Asi imi Jehova, muri kumsoro nokusiŋgaperi. Nokuti tarirai; Jehova, ʋaʋeŋgi ʋenyu, Nokuti tarirai, Jehova, ʋaʋeŋgi ʋenyu ʋacaparara; Ʋaiti ʋose ʋeɀakaipa ʋacaparadzirwa. Asi runyaŋga rwaŋgu makarusimudza sorunyaŋga rwenyati; Ndakazodzwa namafuta matȿa. Ziso raŋgu rakaʋona ɀakaitirwa ʋaʋeŋgi ʋaŋgu, Nzeʋe dzaŋgu dzakanzwa ɀakaitirwa ʋaiti ʋeɀakaipa, ʋakandimukira. Wakarurama ucamera somucindwe; Ucakura somusidari paRebanoni. Ʋakasimŋa mumba maJehova Ʋacakura muʋazhe dzaMŋari weɗu. Ʋacaramba ʋaciɓereka ɀiɓereko pakukwegura kwaʋo; Ʋacaʋa ʋanyoro naʋatȿa; Kuti ʋaparidze kuti Jehova wakarurama; Ndiye ɗombo raŋgu, hapanecinhu cisina‐kururama maari.
Mapisarema 92:1-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)