Rerekerai nzeve yenyu TENZI mundipindurewo, nokuti ndiri murombo uye handina chokubata. Ndichengetedzeiwo nokuti ndiri munamati wenyu. Ndinunureiwo ini muranda wenyu anovimba nemi, ndimi Mwari wangu. Ndinzwireiwo ngoni TENZI, nokuti ndinochema kwamuri zuva rose. Ndinyevenutseiwo mwoyo ini muranda wenyu, nokuti ndinochema kwamuri, TENZI nokuti imi, TENZI, makanaka uye munoregerera, munoitira mwoyochena vakawanda kuna vanodana kwamuri. Rerekerai nzeve yenyu TENZI kumunamato wangu inzwaiwo chichemo changu. Pazuva rokutambudzika kwangu ndinodanidzira kwamuri nokuti imi munondipindura. Hapana akaita semi, TENZI pakati pavamwari, kana mabasa akaita seenyu.
Verenga chikamu Nziyo 86
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Nziyo 86:1-8
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo